Barcelona yotenga Griezmann

02 Mar, 2018 - 00:03 0 Views
Barcelona yotenga Griezmann Antoine Griezmann

Kwayedza

VATAMBI veBarcelona vakatendera chikwata chavo kuti chigotenga Antoine Griezmann kubva kuAtletico Madrid mwaka unotevera, sezviri kutaurwa nemapepanhau ekuSpain.

Chikwata ichi – icho chiri kutungamira muLa Liga – chiri kugadzirira mari inosvika £88 miriyoni yekutenga chizvarwa chekuFrance ichi uyo akwanisa kunwisa ka16 mwaka uno kuAtletico.

Bepanhau rimwe rekuSpain rakaburitsa Griezmann akapfekedzwa jezi reBarcelona uye rinoti vatambi vechikwata ichi vari kufarira kutengwa kwemutambi uyu. Chikwata ichi chine vamwe vatambi vanoti Lionel Messi, Luis Suarez, Ousmane Dembele naPhilippe Coutinho vagara varipo uye vatambi vacho vanoti Griezmann akauya vanobva vave kuzivikanwa seFifth Fantastic.

Bepanhau reSport rinoti Barcelona mwaka uno yakasiya jezi nhamba 7 risina ari kuripfeka kuitira kuuya kwaGriezmann, iro raanopfeka kuAtletico.

Barcelona yakaedza zvikuru kutsiva kurasikirwa kwayakaitwa naNeymar uyo akaenda kuParis Saint-Germain nemari yakawandisa inosvika £198 miriyoni nekutenga Dembele naCoutinho.

Dembele – uyo akatengwa kubva kuBorussia Dortmund ne105 miriyoni paunzi – ange achitatarika nekungokuvara mwaka uno uye haasati arakidza hunyanzvi hwake hwakakwana kuNou Camp. – Daily Mail Football

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>