Batsirai murwere wegomarara

06 Jul, 2018 - 00:07 0 Views
Batsirai murwere wegomarara

Kwayedza

MUKADZI wemuHarare apererwa nezano nekuda kwedenda regomarara iro rakonzera kuti zamu rake rekuruboshwe riite buri hombe uye ari kushaya mari yekunorapwa kuchipatara.

Mabel Chigariro (44) wepanhamba 3500 Hurungwe, kuSpaceman, kuGlen Norah A, anoti haasisina tarisiro nekuda kwekushaya mari yekuti anobatsirwa nemachiremba.

Mukadzi asina kuroorwa uyu ari kupepwa hurwere naamai vake, Mbuya Julia Chigariro (71), nehanzvadzi nemuroora wake.

Chigariro anoti anotonzwira amai vake avo vava shirikadzi tsitsi zvichitevera kushaika kwababa vake, VaClifford Chigariro, mugore ra1992.

“Munhu wandasara naye ndiamai vangu nehanzvadzi yangu imwe chete avo vasinawo chekubata. Izvozvi handichagona kumuka kana kufamba, ndinotosimudzwa kana pakunozvibatsira chaiko. Ndaenda kuzvipatara zvakawanda asi dambudziko nderekushaya mari,” anodaro.

Anoti rimwe zamu rake rekurudyi rakavhiiwa kusvikira rapera nekuda kwechirwere chimwe chete ichi.

“Ndakasara nezamu rimwe chete rekuruboshwe, iro rakazobatirawo chirwere ichi – ndirozve rabooka kudai. Zvakangotanga kachingova kabundu kusvikira rabooka zvaraita izvi. Apa rakakurisa zvekuti rava kundiremera.

“Mari iri kudiwa kuchipatara kwandakaenda inodarika $1 000 kuti vaite zvose zvinotaurwa. Apa ini handina kwekuiwana, saka ndakangodzoswa kuzogara pano pamba kuti ndife zvangu. Wandatambudza ndiamai vangu,” anodaro Chigariro.

Mbuya Chigariro vanoti vapedza kutengesa mombe, mbudzi nemakwai avo vachirapisa mwanasikana wavo.

Mabel Chigariro achiratidza zamu rake rine buri

“Ndiri shirikadzi, murume wangu akashaika kare. Ndaiva nevana 7 — vashanu vavo vakafa ndokusarirwa nemukomana naiye musikana anorwara uyu. Danga rose remombe gumi nembudzi gumi, makwai, huku nezvimwe takapedza kutengesa tichida kurapisa mwana uyu asi hapana rubatsiro chairwo rwatakawana kusvika izvozvi. Apa mari hapasisina,” vanodaro Mbuya Chigariro.

Vanoti rimwe dambudziko rine mwana wavo nderekuti haachakwanisa kudya zvakanaka.

Mbuya Chigariro vanoti vakanopihwa tsamba yekuSocial Welfare, kuHighfield, iyo yavanoti iri kurambwa kuzvipatara vachinzi panodiwa mari kuti vakwanise kurapisa mwana wavo.

“Kuburikidza nekurwara kwemwana wangu, iniwo ndava kugumisira ndabatikana zvikuru kusvika ini pakurwarawo. Zvinorwadza kuramba ndakamutarisa mwana wangu achirwadziwakuita sezvinonzi ndangomirira kufa kwake.”

Vanoda kubatsira murwere uyu vanoridza nhare pa0779 569 689 kana 0777 500 648.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>