Batsirai Ropafadzo Mahichani

16 Mar, 2018 - 00:03 0 Views
Batsirai Ropafadzo Mahichani Ropafadzo Mahichani

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
MWANASIKANA anogara nevabereki vake mumusha weWarren Park, muHarare, ari kutsvaga rubatsiro rwekuti anoongororwa pamwe nekurapwa chirwere chisati chave kuzivikanwa icho chamutambudza kwemakore mapfumbamwe izvo zvaita kuti arasikirwe nerimwe gumbo rake.

Ropafadzo Mahichani (20) wepanhamba 28-20th Crescent, kuWarren Park 1 akatodamburwa gumbo rake rekurudyi zvichitevera ronda rairamba kupora iro rakakonzera kuti gumbo rose risanduke ruvara.

Pamusoro peizvi, rimwe gumbo rake rekuruboshwe rine maronda asingapore, tsoka yese yasviba uye rave kuratidza kusashanda zvichitevera kuoma kwemitezo yemuviri uko akaita.

Mawoko emusikana uyu ose – kusanganisira zvigunwe – akagonyera mukati zvekuti haachakwanisa kuashandisa kudya kana kuita mamwe mabasa.

Muviri wake uri kungoperezeka, ganda richisara rakaunyana, uku vhudzi risingakure zvakanaka zvinobva zvamupa chimiro chomuviri chisingaenderani nezera rake.

Zvisinei nemarwadzo ose enyama dzake, Ropafadzo munhu ane chiso chinogara chizere nekunyemwerera.

“Dambudziko iri rakatanga ndiine makore 11 okuberekwa apo ndakatanga ndiine chironda pachigunwe kutsoka asi vabereki vangu vaingoisa mishonga pasingapori. Ndinoshuvira kuti dai ndawana vanondibatsira ndaenda kuchipatara chekunze kwenyika sekuIndia asi handireve kuti ndinoshora madhokotera emuno. Kungoti ndinoona sekuti zvipatara zvemuno hazvina michina yakakwana yekuvheneka chirwere chandiinacho nekuti ave makore mapfumbamwe azere ndichingoyuwira nemarwadzo.

“Takaenda kumachiremba emuno mazhinji ndikavhenekwa zvose asi hapana chirwere chati chabatwa nanhasi. Ndinodawo kupora nditambe nevamwe nekuenda kuchikoro,” anodaro Ropafadzo achinyemwerera.

Ropafadzo Mahichani achitaridza rimwe gumbo rake

Anoenderera mberi achiti anofarira kudya mupunga nenyama yehuku uye pizza asi dambudziko rekushaikwa kwechikafu mumba mavo ndiro guru.

Mashoko ake anotsinhirwa nababa vake – VaFortune Mahichani (42) – vachiti kudya harisi dambudziko pamwana wavo asi kuti chikafu ndicho chinotoshaikwa nepamusaka pekuti ivo havaende kubasa.

“Ndine shuviro yekuti mwana wangu aonekwe chirwere chiri paari kuti ndecherudzii kuti chikwanise kurapwa. Takaedza zvose, mishonga yechivanhu nekuchipatara tichibatsirwa nevanhu munharaunda asi hapana shanduko.

“Ropafadzo ndiye dangwe rangu pavana vana. Haana rugare, anotorara akagara seizvi nekuti akangoda kuradzika muviri wake pamubhedha anorwadziwa zvakasimba.

“Ave nemakore 9 asingazivi kutamba nevamwe vana asi ane njere dzakapinza zvekuti anoda kudzokera kuchikoro. Tave kutyira mitezo yakakosha yemuviri iyo yave kuoma semaoko negumbo rekuruboshwe nekuti anongoswera agere panzvimbo imwe chete,” vanodaro.

VaMahichani vanoti vari kukundikana kuwana mari yekuti mwanasikana wavo aende kunoitiswa mitambo inosimbisa muviri.

“Maronda ake anofanira kunogezwa nekubhandijwa katatu pazuva asi pamwe tinoshaya mari yekufambisa. Anoda zvakare wiricheya inofamba yega (motorised wheel chair).

“Machiremba emuno anongoti anogona kudaro aine chirwere chinonzi PVD Disease nekuti vakamuvheneka zvose kubva kugomarara, HIV, TB, shuga nezvimwe zvavaifungira achingonzi ari negative, kureva kuti haana zvirwere izvi. Saka tashaya kuti mhando yechirwere chine mwana wangu chii,” vanodaro baba ava.

PVD Disease inonzi inokonzerwa nekuwanda kwemafuta mumuviri izvo zvinoita kuti tsinga dzitadze kufambisa ropa zvakanaka.

VaMahichani vanoti gumbo rekurudyi raRopafadzo akaribviswa kuChitungwiza Central Hospital muna2015 asi dambudziko rimwe chete ndiro rave kugumbo rekuruboshwe.

“Mwana akazvarwa asina dambudziko iri asi mumwe musi paakanga ari Grade 7 achibva kuchikoro, akauya achiti ane karonda pachigunwe ako kaivava isu ndokumuisa mishonga nemaanti-biotics ronda racho richibva ratokura. Takazoona gumbo rava kuzvimba richisviba kusvika azonorichekwa zvigunwe zvitatu zvekutsoka kuHoward Mission Hospital. Mushure akazobviswa gumbo rose kuChitungwiza Central Hospital sezvo raisapora. Nanhasi paakachekwa pacho hapasati papora.”

Vanoda kubatsira Ropafadzo vanogona kuridza nhare dzababa vake dzinoti 0777 529 630 kana kutumira mari neEcoCash panhamba idzodzi. Vanogona zvakare kuita zvimwe chete vachishandisa nhare dzaamai vake, Tendai Kadyamarunga (39) dzinoti 0777 985 447 kana kuisa mari kubhenga reNMB Bank rine akaundi nhamba 260165062, Borrowdale Branch.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>