Batsirai vana veSt Faith’s High

15 Jun, 2018 - 00:06 0 Views
Batsirai vana veSt Faith’s High

Kwayedza

Sifelani Tsiko—

CHIKWATA chevana vanodzidza paSt Faith’s High School, kwaRusape, chiri kutsvaga rubatsiro kubva kune vemabhizinesi nevanhu vakazvimirira kuti chikwanise kuenda kumakwikwi epasi rose, eWorld Series Quiz Competition, ayo achaitwa kuSouth Africa munguva iri kutevera.

Gore rapera, St Faith’s yakapinda mumakwikwi ezvikoro 32 zvenyika dziri mudunhu reSadc ndokutora nhamba yechishanu. Makwikwi aya akaitirwa kuMidrand, kuSouth Africa zvakare. “Chikwata chedu cheSt Faith’s High School chakabudirira kupinda mumakwikwi eWorld Series nekudaro tiri kutsvaga rubatsiro kubva kuvanhu vakazvimirira zvose nemakambani,” vanodaro VaMatthews Chimba, avo vanova murairidzi wechikwata chekwizi pachikoro ichi.

“Tinoda mari inosvika $2 990 inosanganisira yekufambisa, yepekugara, yezvipfeko neyekudya. Tinoda kuti chikwata chedu chinokwikwidze mumakwikwi eWorld Series Schools Competitions achaitwa kuMidrand, kuSouth Africa, kubva musi waZvita 4 kusvika Zvita 13 gore rino.”

St Faith’s ndiyo yakakunda zvimwe zvikoro zvose zvemuZimbabwe mumakwikwi eZimbabwe National High School Quiz Competitions akaitirwa pachikoro chePrince Edward High School munaMbudzi wegore rapera.

Vanoda kubatsira chikwata chevana ichi vanokwanisa kuisa mari muakaundi yechikoro inoti, St Faith’s High School, CBZ Rusape Branch, Account Number 10223842060011 uye vachinyatsonyora kuti Quiz Donation.

Share This:

Sponsored Links