Batsiraiwo Mufaro Chanditeya

23 Nov, 2018 - 00:11 0 Views
Batsiraiwo Mufaro Chanditeya Mufaro Chanditeya

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

VABEREKI vemwana mukomana ane makore 14 okuberekwa uyo ane dambudziko rekuoma mitezo avo vanogara kuMbare National, muHarare, vari kutsvaga rubatsiro rwekuti akwanise kuenda kuchikoro chevakaremara.

Mufaro Chanditeya — uyo anonzi akatanga kuoma mitezo aine makore mana okuzvarwa —anoda rubatsiro rwekuti akwanise kuenda kuzvikoro zvevana vakaremara, sepaTose Respite Care Home iri kuProspect, muWaterfalls, muHarare.

Baba vake VaDominic Chanditeya (53) vanoti vari kushaya pekutangira nekuda kwedambudziko rine mwana wavo.

Mufaro Chanditeya naamai vake Majorie Masango asati abatwa nedambudziko.

“Mwoyo wangu wange uchida kuti kudai mwana awana nzvimbo paTose Respite Care Home kuitira kuti akwanise kufunda nevamwe uye kuitiswa mitambo inosimbisa muviri sezvo mitezo yake iri kungoramba ichioma. Ndakamboedza kumuitisa mitambo iyi ndiri kumba akatozotyoka gumbo uye izvi ndaizviita nekushaya mari yekufambisa kuti ndimuendese kuHarare Central Hospital.

“Dambudziko riri pamwana uyu rinoda nyanzvi nekuti kutaura kudai hapana kana chaachakwanisa kuita, paunenge wamusiya ndipo paunomuwana ari. Chikafu tinotoita zvekuchiswededza pahuro nekuti chero ukamuisa mumukanwa haakwanisi kuchimedza oga,” vanodaro.

VaChanditeya vanoti mwana uyu akabarwa asina dambudziko asi paakangosvitsa makore mana nechidimbu okuberekwa, ndipo paakatanga kuoma mitezo.

Vanoti ivo vanoshanda saMaintenance Contractor asi pari zvino mabasa acho ndiwo asiri kubatika kuti vakwanise kurapisa mwana wavo pamwe nekuriritira mhuri uye mudzimai wavo haashande.

“Pamazuva azvakatanga, ndaimbowana mabasa saka ndaikwanisa kuendesa mwana kuchipatara achinobatsirwa nekuitiswa mitambo inosimbisa muviri uye mapiritsi ekuti asagwinha. Pari zvino, nhamo yandimomotera saka ndiri kukundikana kuwana $20 chaiyo yekufambisa kuti ndiende naye kuchipatara.

VaDominic Chanditeya

“KuTose Resipite Care Home ndinoona kuchizobatsira mwana asi pandakamboendako vaiti panodiwa mari uye munhu anoswera naye achiona zvinodiwa paari pamazuva ekutanga,” vanodaro.

Vanoti mwana wavo anokwanisa kumedza chikafu chakareruka sebota, mabanana, nyama nembatatisi zvakagaiwa.

Vanoenderera mberi vachiti, “Amai vake havachakwanisi kuenda kukereke kana kushanya nekuti vanofanirwa kunge vainaye pamba nguva dzose. Anoda mapamba kana manapukeni sezvo asisagona kuzvibatsira oga.”

Vangada kubatsira Mufaro vanokwanisa kufonera baba vake panhamba dzinoti: 0773212586, 0772580839, 0738480112 kana kuisa mari muakaundi yaDominic Chanditeya yeFBC Bank inoti 6017041001851429.

Share This:

Sponsored Links