Beam – ‘Chikwereti hachisi kumubereki’

31 Mar, 2017 - 00:03 0 Views
Beam – ‘Chikwereti  hachisi kumubereki’

Kwayedza

— Regai vana vanyorese bvunzo: Hurumende

Tandayi Motsi —
VANA vanodzidza vachibhadharirwa mari pasi pechirongwa cheBasic Education Assistance Module (Beam), avo vanenge vaine zvikwereti zvemari dzechikoro havafanirwe kurambidzwa kunyoresa bvunzo dzeZimbabwe Schools Examination Council (Zimsec) sezvo mari iyi ichizobhadharwa neHurumende.

Mashoko aya akataurwa nemutevedzeri wegurukota rinoona nezvevashandi veHurumende nekubatsirwa kwevanoshaya, Engineer Tapiwa Matangaidze, mudare reNational Assembly nguva yadarika.

Eng Matangaidze vaipindura mubvunzo wemumiriri weSt Mary’s mudare iri, VaUnganai Tarusenga, avo vanoti vamwe vabereki vane vana vanobhadharirwa mari dzechikoro neBeam vari kumanikidzwa nevakuru vezvikoro kuti vafanobvisa mari iyi apo Hurumende inenge yanonoka kuibhadhara.

“Pane dambudziko riripo pari zvino, revana vari kubvisirwa mari pasi pechirongwa cheBeam avo vabereki vavo vari kumanikidzwa nevakuru vezvikoro kuti vafanobhadhara mari dzemafizi kana vana vavo vachida kuenda kuForm 1 kana Form 5.

“Mutemo unoti kudii pamusoro pevatungamiriri vezvikoro vanoramba vachida kuti vabereki vafanobvisa mari yefizi vachimirira Hurumende painozobhadhara mari yeBeam?” vanodaro VaTarusenga.

Eng Matangaidze vanoti: “Mutemo weHurumende unoti kana mwana achibatsirwa pasi pechirongwa cheBeam, kana mari iyi isati yabviswa, chikwereti chinenge chiri cheHurumende. Saka mukuru wose wechikoro anofanirwa kunge achiwanisa mwana ari kubhadharirwa neBeam nzvimbo yaanenge achitsvaga kana iripo.

“Hongu, panogona kunge paine kunonoka kwekubhadharwa kwemari iyi, asi chibvumirano chinenge chiri pakati pechikoro neHurumende. Saka izvi zvinhu zvakajeka. Vana vari kubhadharirwa mari neBeam vanofanirwa kutenderwa kunyoresa kuti vazokwanise kunyora bvunzo. Kana paine vakuru vezvikoro vasiri kutevedza izvi tizivisei pamwe chete nebazi redzidzo yepuraimari nesekondari, tinoita kuti vazvitevedzere.”

Vana vanobatsirwa pasi pechirongwa cheBeam vanosanganisira nherera nevanobva kumhuri dzinotambura.

Share This:

Sponsored Links