Beam yabatsira vana 5 400 000

08 Jul, 2016 - 00:07 0 Views
Beam yabatsira vana 5 400 000 Vadzidzi vanoshaya vepuraimari nesekondari vanosvika 5 442 352 vabatsirwa nemari yechikoro neyemazamanishoni pasi pechirongwa cheBEAM kubvira pachakatanga mugore ra2002.

Kwayedza

Vadzidzi vanoshaya vepuraimari nesekondari vanosvika 5 442 352 vabatsirwa nemari yechikoro neyemazamanishoni pasi pechirongwa cheBEAM kubvira pachakatanga mugore ra2002.

Vadzidzi vanoshaya vepuraimari nesekondari vanosvika 5 442 352 vabatsirwa nemari yechikoro neyemazamanishoni pasi pechirongwa cheBEAM kubvira pachakatanga mugore ra2002.

Izvi zvakaziviswa svondo rapera nekomiti yedare reParamende inoona nezveveruzhinji, vashandi nekubatsirwa kwevanoshaya apo yaitura gwaro rayo remashandisirwo emari yeBEAM mudare iri.VANA 5 442 352 vanoshaya nenherera muzvikoro zvepuraimari nesekondari vakabatsirwa nemari yechikoro neyemazamanishoni pasi pechirongwa cheBasic Education Assistance Module (BEAM) kubva pachakatanga mugore ra2002.

Sachigaro wekomiti iyi, VaGoodluck Kwaramba, avo vanove nhengo yeProportional Representation, vanoti chirongwa ichi chinobatsira zvikuru vana vanoshaya nenherera.

“Kubvira pakatanga chirongwa cheBEAM muna 2002, vana 5 442 352 vabatsirikana nacho. Komiti yedu yakaita ongororo pamusoro pechirongwa ichi nedonzvo rekuona mafambiro ezvinhu kuitira kuti tizive kana chichibatsira vadzidzi sezvinotarisirwa,” vanodaro VaKwaramba.

Vanoti komiti yavo yakashanyira zvikoro zvine chitsama zviri mupurovhinzi yeHarare zvinosanganisira Shingirai Primary School kuMbare, Mbare High School, Muguta Secondary School kuEpworth, Zengeza 3 High School neZengeza Main Primary School zviri kuChitungwiza.

VaKwaramba vanotizve kubva muongororo yavakaita, vakaona kuti vamwe vana veO-Level vepazvikoro zvakaita seMuguta Secondary School vari kubhadhariswa mari yekuti vanyore bvunzo yezvidzidzo zvose kunyangwe zvazvo vachibhadharirwa mari yekunyora zvidzidzo zvitanhatu neBEAM.

“Komiti yedu yakaona zvakare kuti izvi ndizvo zviri kuitwa kune zvimwe zvikoro zvinosanganisira Mbare High School neZengeza 3 High School, uko vana vari pachirongwa cheBEAM vari kunzi vabhadhare mari dzechikoro nedzekunyora bvunzo voga asi vasingazodzoserwa mari iyi kana yeBEAM ichinge yazobhadharwa.

“Kunyangwe zvazvo vadzidzi ava vaivimbiswa kuti vaizodzeserwa mari yavanenge vabhadhara iyi, komiti yedu yakadzidza kuti mukuru wechikoro cheZengeza 3 High School airamba achingopfuudza mberi zuva raanenge ati anozodzosera vana ava mari dzavo.”

Vanoti komiti yavo haina kufadzwa nemaitiro aya.

“PaZengeza 3 High School, vana vanobatsirwa pasi pechirongwa cheBEAM havana kupihwa mareport avo etemu yekutanga muna 2015 vachinzi mari yavo yaive isati yabhadharwa uye vashoma vavo ndivo vakapihwa mareport aya mazuva mashoma komiti yedu isati yaenda pachikoro apa musi wa10 Chikumi, 2015,” vanodaro VaKwaramba.

Vanotizve bazi rinoona nezveveruzhinji, vashandi nekubatsirwa kwevanoshaya rakazivisa komiti  yavo kuti pari zvino chirongwa cheBEAM chakatarisana nematambudziko ane chitsama ayo anosanganisira kushomeka kwemari iri kubva kuvatsigiri.

Vanoti BEAM iri kutsigirwa neHurumende yakabatana nesangano reDepartment for International Development (DFID) uye vamwe vatsigiri vanosanganisira European Union neCanadian International Development Agency havachabatsira nekuda kwezvikonzero zvakasiyana.

“Komiti yedu yakaziviswa kuti mubhajeti renyika ra2015, mari yakaiswa padivi yechirongwa cheBEAM iUS$7 miriyoni inove chikamu che22% chemari yeBEAM yepagore. Rimwe dambudziko nderekuti zvikoro zvakawanda zviri kukwidza mari inobhadharwa yelevy panguva iyo bhajeti reBEAM risiri kukwidzwawo saka izvi zvinoderedza huwandu hwevana vanofanirwa kubatsirwa,” vanodaro VaKwaramba.

Vanoti vabereki vari kutsutsumwawo nenyaya yekuti chirongwa cheBEAM chinongogumira kubatsira vana veO-Level izvo zvinoita kuti avo vanenge vabudirira kuenda kuA-Level vashaye pekutangira.

“Izvi zviri kukanganisa vadzidzi vanenge vapasa O-Level sezvo vasingakwanisi kuenderera mberi nechikoro kana kuwana mabasa akati tsvikiti nekudaro vakawanda vavo vanopedzisira vave kutengesa majusi kadhi,” vanodaro VaKwaramba.

Vanoti zvakare kunonoka kubhadharwa kwemari yeBEAM neHurumende kuri kukanganisa mafambiro akanaka echirongwa ichi.

Imwe mari yeBEAM inonzi haizi kukwanisa kugamuchirwa mumaakaundi ekumabhanga nekuda kwezvikonzero zvakasiyana.

“Komiti yedu yakaziviswa zvakare kuti pane nyaya 78 dzemari yeBEAM iyo isina kukwanisa kugamuchirwa nemabhanga nekuda kwekuti zvimwe zvikoro zvakachinja manhamba emaakaundi azvo zvisina kuzivisa bazi rinoona nezveveruzhinji, vashandi nekubatsirwa kwevanoshaya izvo zvakanonotsa kubhadharwa kwemari iyi,” vanodaro VaKwaramba.

 

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>