Bendekete raChigange rinorwadza nekurohwa naMambo Dendera

15 Aug, 2014 - 00:08 0 Views

Kwayedza

Ticha Tichaziva
CHITSAUKO 6 (Ongororo: Enderero mberi)
Mberi kwauri kuenda haungazivi kuti kwakamira sei kana wasvika kwaipa unodzoka sei kune vanhu vawasiya watuka kana kuitira zvakaipa. Nekudaro zano rekusiya vadeura ropa revanhu harina kunaka nekuti havaiziva kuti mberi uko kwakamira sei. Saka munyori achiti, “zvinonzi natsa kwawabva, nekuti kwaunoenda usiku” (62).

Tinosangana netsumo inodzokororwa zvakare. Tinoiona paPeji 64 tozosanganazve nayo paPeji 66. Ndiyo inoti,

“Manga chena inoparira parere nhema”. Kuita kwaIshe Chiremba kuna Revai kunoita kuti afungisise nezvinorehwa netsumo iyi kana vanhu vaviri vakapunyuka kubva mumawoko avavengi vavo, vanoedza kuzvivanza kuti vararame.

Zvino kana mumwe wavo akasava nehanya zvokuti angabatwazve, zvinoreva kuti atoparira shamwari yake kuti ibatwewo kuita kwake uku, pane munhu asina mhosva kunoparira mambo kuzopisirwa misha nekuurayirwa vanhu.

Pfekedzaunhu (personification) tinoiona ichishandiswa nemunyori kuti tinyatse kuona maitiro ezvinhu. Vana nevainge vakachembera havana kupona mukupiswa kwakaitwa dzimba izvo zvinonzi,  “vakatadza kutiza muchinda anonzi rufu” (64) tozonzwazve zvinoitwa nemakore emvura “mamhanyiro aiita makore” (68) “achiuruka akananga kumavirirazuva” (68).

Enzaniso dzinoti hatisariri shure semuswe toona dzichishandiswa zvebasa.

Kurohwa kwakaitwa Chigange netsvimbo naMambo Dendera kunoita kuti bendekete rake rirwadze “akange acharidza mhere” (58). Pakurwiwa kwakaitwa pakati pavanaPondai nevarume vaivapomera mhosva yekutsigira

Revai nekuti vakange varamba kuti Mazvikokota amuuraye kunotsanangurwa kuchinzi zvibhakera zvaipisa “semoto’ (59).

Panobvunzwa Pondai kuti anoti kudini nenyaya yekupoya iyi hana yake ndiyo yakasara yoti takwi iye angoti zi-i “segonzo ramirira kuti vanhu varare” (61). Kusunga mikova yedzimba kwaiitwa navanaRevai kunonzi vaiita zvekunyangira “sembavha” (63). Marimi acho emoto wainge watungidzwa airirima zvekuti chiedza chakatanga kuonekwa “sekwaedza” (63).

Revai anunurwa muhusungwa anofara chaizvo zvekuda kubata denga rechinomwe. Mujaya uyu aifara “semunhu akunda mumakwikwi kekutanga” (65). Chiremba anopira pfungwa dzake kuvanhu vaainavo zvekuti vanozoguma vatendeuka mukufunga kwavo. Paaidai airasa-rasa mawoko oita “semunhu anoshumira vhangeri mukereke yaMwari” (67).

Chiremba anotaurira vanhu vaaiva navo kuti zviri kwavari kuti vazvisarudzire gwara rine pundutso kana kuti rinovasvaura sezuva rinopisa nhongonya yaDendera” (68).

Zvaaitaurira vanhu vake zvaibiwa nemaungira zvichinzikwa navanaRevai avo vakange “venge mazura aniwa nemazayi echando” (68) maziso avo ongoti boi-boi vose vakarara nematumbu kuti kwavarara “sehukurutombo yaona imbwa” (68).

Madimikira tinoaonawo achishandiswa. Kutsanangurwa kunoita kuchembera kwaita Mambo Dendera kunonzi  “. . . iko kakari kaye kufanzira kufa aka” (60).

Pakuronga kunoitwa navanaRevai panoda kungwarira kwakakura nekuti vakangobatwa chete “tingaitwe kanyama kanyama nemakarwe ake aya” (60).

Matsananguriro anoita Revai mamiriro emusoro wake anoti kusetsa akati kusuwisa.  Paakarohwa netsvimbo naMazvikokota anopatsanangura achiti, “Mbonje yacho yakawira parukangarahwe chaipo. Munoti musoro wangu uchine nyama here?”

Zvakaitwa naMambo Dendera kuzviparira ega. Angadai akabata Revai semunhu asina mhosva kuti asawirwa nerudzi rwenjodzi yainge yamuwira. Saka zvichinzi nekuita uku “. . . vakave huku yazvidyira mazai ayo” (64).

Revai ainge ambopinda mumatambudziko mahombe nekudaro aisada kupinda maari zvakare. Zvinodimikirwa zvichinzi akaramba ashinga nezano rake rekuti “aiziva Nhamo yekuniwa pasina bako” (65).

Enderero mberi svondo rinouya.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>