Bhasikoro raMusiyiwa rinoponja vhiri remberi

07 Aug, 2014 - 16:08 0 Views

Kwayedza

Ticha Tichaziva
CHITSAUKO 9 (Ongororo: Enderero mberi)
Amai vaTichaona zvekurwa vanozvinzwisisa, havadi zvekujairirwa saka vachidimikira vachiti, “Handikungirwe hata yemapepa ini” (41). Vanovayeuchidza zvavakaita majaya matatu ekwaChimunhondo. Madzimai maviri aya anobva atya. “Achiona kuti vainge vapeta miswe” (41) ndipo anoenderera mberi nekuvasvipira mate kumeso vose vari vaviri.

Kutsvinya kunoita mai vaTichaona kuna mai vaMusekiwa namai vaMandizvidza kune uturu kwazvo sezvo vachishora vachiti, “Havadi kuvhundutsirwa namakudo anopona nezvekuba” (41).

Enzaniso dzinoshandiswawo.
Yatinotanga kusangana nayo iri mukunyomba kunoita Mai Mandizvidza mai vaYeukai achivati vaitindinyara chaizvo “kunge chimhandara chiri kukwezva majaya” (40).

Imbwa yemwana wavo Garikai yaibata mhuka zvokubata zviya saka ichinzi yaibata mhuka “sembudzi” (41). Vachinyomba amai vaTichaona tinonzwa mai vaMandidzidza vachiti musi wakaitika tsaona yemotokari yaGeorge kurovera pagedhi mai vaTichaona vakazviita vakasakamadza dundundu vachipepema kunge nesi weRed Cross” (41).

Mai vaTichaona pavanovaratidza kuti havana kufadzwa nematauriro aiita madzimai ava pamusoro paamai vaYeukai vanovasvipira mate kumeso ndokufambisa vari kumberi vachipukutira mate kumeso “samafuta” (41).

Pavanenge vava kuparadzana nemadzimai aya, mai vaTichaona vanovayambira kuti mumwe musi vaizovanyarira pai kana George achinge aneta nokuvamwaira “sehuku” (42).

CHITSAUKO 10 (Nyaya yacho)
Mumwe musi achibva kunotengesa, bhasikoro raMusiyiwa rinoponja vhiri remberi munhu ndokurisesekedza kwava kudarika nemumwe mumunda maiva navanhu vakanga vagere pasi pomuti.

Anonzwa izwi raKamukombe richimudana, vaviri ava ndokubatana Kamukombe achiti ainge osiya vanhu ava nekuti vainge vave kutaura zvekurima donje nemacheki avo.

Mukukurukura kwawanoita vachifamba, Musiyiwa haanyatsi kunzwisisa zviri kurehwa naKamukombe uyo ari kungoita zvekutenderera asingarovi nyaya panhongonya.

Atsamwisa nekusada kuwirirana nezvaari kufunga, Kamukombe anomutsvinyira achiti, “Tunherera tunonetsa nokuti hatunzwisise” (45).
Izvi zvinoshatirisa Musiyiwa zvokuti vaparadzana anosvika pakupika nababa vake kuti akazotaura naye zvakare achada kumuratidza masimba ake.

ONGORORO
Chitsauko ichi chinoita kuti tive nemamwe mafungiro maererano neunhu nemaitiro aKamukombe, zvaari kuda zvacho haanyatsozviti dyu kutunga asi muverengi anogona kuona kuti zvaifungwa zvainge zvisina chinangwa chakanaka.

Apa munyori ashandisa musambo uya wokuti muverengi azvifungire kuti chii chaicho chiri kurehwa namunyori.
Apa hatingagoni kumupa mhinduro asi tinovimba kuti mukubva kuenderera mberi nekuverenga nyaya mubvunzo uyu uchapindurwa.
Tinoona kuti chitsauko ichi chipfupi zvachose chichingove nemapeji maviri chete.

Kunyange zvazvo chiri chipfupi chinotekenya pfungwa dzemuverengi uyewo chinoita kuti muverengi arambe achida kuenderera mberi nekuverenga.

Kudimikira kwanzi shandiswei kunoita kuti tinyatse kuona maitikiro ezvinhu. Dai vhiri rebhasikoro rainge raputika achiri pakati pokutengesa,
Musiyiwa angadai akaona nhamo musi uyu izvo anodimikira achiti, “Ndaiimba dzoute nekuremerwa” (44)

(Enderero mberi svondo rinotevera.)

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey