Bhinya rakapa mwana mazepi

24 Aug, 2018 - 00:08 0 Views

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
MURUME ane makore 26 ekuberekwa akamiswa mudare reChitungwiza Magistrates Courts nemhosva mbiri dzekubata chibharo kamwana kasikana kane makore 11 ekuberekwa apo aikapa mazepi sevharamuromo.

Mutongi Estere Chivasa akati Simbarashe Mabika wepanhamba 1940 Unit A adzoke kudare apo kutongwa kwenyaya iyi kuri kuenderera mberi uye anenge achibva muchizarira.

Muchuchisi Tendai Mukariri akaudza dare kuti masikati emusi wa15 Chikunguru, Mabika — uyo anoshanda mutuckshop — akaona mwana uyu achipfuura nepachitoro apa achibva amuti agodzoka napo kuitira kuti azomupa mazepi.

Mwana uyu paakadzoka, murume uyu anonzi akabva amuti apinde muchitoro ichi nemusuwo wekuseri ndokumubhinya.

Akabva amupa pakiti rimwe chete remazepi sevharamuromo.

Mwana uyu anonzi akaenda kumba asi haana waakaudza nezvechiitiko ichi.

Mumhosva yepiri, iyo inonzi yakaparwa muzuva rimwe chete iri, mumhan’ari anonzi akadzokera kuchitoro kuye uko akabatwa chibharo zvekare.

Mabika akamuvimbisa mwana uyu kuti aifanira kuzodzoka otora mamwe mazepi akawanda.

Mwana uyu anonzi haana waakaudza kusvikira musi wa25 Chikunguru apo mukoma wake akazobatikidza Mabika achimupa mazepi achibva audza amai vake vanova vakamubvunzurudza zvikaita kuti adure nezvechibharo ichi.

Vakabva vamhan’ara nyaya iyi kumapurisa uye magwaro ekwachiremba vakavheneka mwana uyu ari kushandiswa nedare seumbowo.

Mabika ari kuramba mhosva iyi uye ari kutongwa nemhosva yechibharo pasi pemutemo weSection 65(1)(a)(b) of the Criminal Law and Reform Act Chapter 9:23.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>