Bhinzi nemupunga, sadza

0

Muchaneta Chimuka

USAVI hwebhinzi inhapitapi uye hunovaka muviri sezvo muchiwanikwa mapuroteni nekumwe kudya.

Svondo rino Tatenda Mushuku wekuMasvingo anotitsanangurira mamwe mabikirwo ebhinzi zvemhando yepamusoro.

Zvinodiwa:

Chikari, bhinzi, mafuta, garlic, matomatisi, hanyanisi nemunyu

Mabikiro:

Geza bhinzi dzichene.

Dziise mupoto wofashaidza nemvura yakawanda kusvika dzaibva.

Kanga hanyanisi padivi woisa matomatisi, munyu, mafuta netugarlic.Chidira supu yawagadzira mupoto ine bhinzi.

Sanganisa woita kuti zvikwate kwemaminitsi mashanu. Uchaona dzichiita muto wakakorera.

Wozodii?

Chibura unakirwe nemhuri yako! Bhinzi dzinodyiwa nesadza remhando yese kana nemupunga uye vamwe vanodziisa pachingwa.

Share.

About Author