Bhinzi nesadza, pachingwa

06 Jul, 2018 - 00:07 0 Views
Bhinzi nesadza, pachingwa

Kwayedza

ZVIRI MUGAPU

BHINZI kudya kune utano nekuti dzine mapuroteni uye dziri nyore kubika sezvo dzisina zvakawanda zvinodiwa.

Svondo rino Tawanda Bhusvumani wekuMasvingo anotsanangura mamwe mabikirwo ebhinzi zvemhando yepamusoro.

Zvinodiwa:

Bhinzi dzakaomeswa, chikari, munyu, hanyanisi, mafuta, garlic nematomatisi.

Mabikiro:

Rara wakanyika bhinzi mumvura kuti dzipfave kuitira kuti dzisazoshandisa magetsi kana huni dzakawanda paunozodzibika.

Nyurura bhinzi wodzigeza nemvura yakachena.

Fashaidza bhinzi muchikari uchiramba uchidira mvura kusvika dzaibva. Kanga hanyanisi nemafuta mashoma padivi.

Chekerera garlic nematomatisi, isa munyu wakafanira wosanganisa kuti zvigadzire muto wakanaka.

Usaise godzamuto nekuti bhinzi dzinogadzira muto wadzo dzoga uyo wakakora.

Siya zvishinyire kwemaminitsi mashanu wozosanganisa nebhinzi dziya.

Kana ukaona dzave kuita muto wakakora uye wakatsvukira, dzinenge dzaibva zvakanaka chaizvo.

Wozodii?

Chipakura unakirwe nemhuri. Bhinzi dzinogona kudyiwa nesadza, mupunga kana nechingwa.

 

. Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti +263 713 411 281.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey