Bhizinesi remabanana radzikira

17 Nov, 2017 - 00:11 0 Views
Bhizinesi remabanana radzikira

Kwayedza

Kingstone Mapupu —
VARIMI vemabanana vekuHonde Valley kuNyanga, kuManicaland vanoti mitengo yechirimwa ichi yadzikira zvikuru kana vachienzanisa nemakore adarika izvo zviri kudzorera bhizinesi ravo kumashure.

Kwayedza svondo rapera yakashanyira dunhu iri ndokuita hurukuro nevamwe varimi avo vari kuchema-chema nekuda kwekudzikira kwemutengo wemabanana.

Mai Melody Magagada (23) vanoti mutengo wemabanana wadzikira zvikuru zvave kuita kuti vatsvage zvimwe zvekutengesa kuti vararame. “Izvozvi hatina chatiri kuita nekuti kana zvinhu zvakanaka tinotengesa mabanana 12 ne$1 asi iye zvino tave kutengesa mabanana 20 ne$1 nekuti ukarega kudaro unoswera usina kutengerwa woshaya chekudzokeresa kumusha sezvo tichiuya kuzotengesera kuno kuNyamhuka kuNyanga,” vanodaro Mai Magagada.

Vanoti vanorima mabanana aya voga uye rimwe dambudziko ravakatarisana naro kudhura zvakare kunoita motokari dzavanohaya pakutakurisa chirimwa ichi kuenda kumisika kunotengesa.

“Motokari dzatinohaya dzinodhura zvikuru zvakare tinenge tabatsirwa nevamwe vanhu vatinopa mari pakukohwa mabanana aya, pekugumisira unozoona kuti hapana mari yaunodzoka nayo kumba,” vanodaro Mai Magagada.

Vanoti vave kuona zvakakodzera kutsvaga zvimwe zvekurima zvakaita semuriwo, matomatisi nederere izvo zvine mitengo iri nani kumisika kana zvichienzaniswa nemabanana.

Mashoko avo anotsinhirwa naMai Rennie Matsekesa Marevangepo vekudunhu raMambo Muparutsa kuHonde Valley vachiti bhizinesi remabanana raderera zvikuru.

“Dambudziko racho rasangana nekuti vanhu havanawo mari nekudaro mitengo yezvirimwa zvedu yadzikirawo zvikuru. Mabanana akaswera asina kutengwa wotoziva kuti ave kuwora saka unoguma wave kuatengesa nemari shoma zvikuru,” vanodaro.

Vanoti vamwe vanoda kuhodha vanotenga mabanana 35 ne$1 kana vachinge vauya kuminda yavo, izvo vanoona sekupa vanhu pachena.

“Iwe murimi ukada kuuya woga kumusika vemotokari vanokuchaja $70 kunosvika kuNyanga uye imwe nguva ukada kuenda kuHarare mari yacho inowanda zvikuru yekuhaya zvekupotsa yasvika $150 kana kudarika. Saka bhizimisi racho mazuva ano hapana,” vanodaro Mai Marevangepo.

Vanoti chishuwo chavo ndechekuti kudai vawana rubatsiro kubva kuHurumende nemamwe masangano akasiyana rwekuti vakwanise kutenga mishina yekugaya mabanana aya vachigadzira kumwe kudya kwakasiyana kana zvinwiwa.

“Vana vedu kuzvikoro havachakwanisa kuenda sezvo mari yacho isisawanikwe sekare,” vanodaro Mai Marevangepo.

Vanotiwo munguva ino yemwaka wekunaya kwemvura vedzimotokari havadi kufamba mumigwagwa yeko nekutyira kuti motokari dzavo dzinotsvedza mumakomo zvinoita kuti mabanana avo aworere mudzimba.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>