Bhodhoro chairo here?

29 May, 2015 - 00:05 0 Views

Kwayedza

IMBWA HAIHUKURE SADZA
PANE mumwe mukadzi wandakaona achirova mwana wake nekuti mwana uyu akanga apunza bhodhoro. Bhodhoro iri rakanga risingadhure, risina chinhu, uye harina warakanga racheka.

Mukadzi uyu akarova mwana wake achipopota kuti mwana uyu akanga ane hunhu hunosvota. Hasha dzaive namai ava dzaishamisa nekuti vakanga vachitutuma sedoro ravirisa.

Asi pane pfungwa yakauya mumusoro mangu ndikati ko ivo amai ava kusvika pazera ravave iri, zvinhu zvingani zvavakadonhedza kana kupunza? Pane akavarova here? Ko izvo zvinokwanisika here kuti munhu ararame upenyu asina kumbobvira adonhedza chinhu?

Muupenyu tinogona kudonhedza zvinhu zvakakosha zvikuru kwazvo zvekuti zvinotopwanyika. Tinogona kudonhedza chigubhu chakazara mafuta tichibva kuchitoro, mafuta ose obva arasika tisati tatombobika nawo. Tinogona kudonhedza foni inodhura chaizvo zvekuti inobva yarega kushanda ipapo-ipapo. Kana kuti inoramba ichishanda, asi yatsemuka-tsemuka screen zvekuti unenge wonetseka nekuti unyatsoona zvakanyorwa kana mapikicha.

Seni ndakambodonhedza laptop yangu ikanotemera mutara ichibva yafonyoka kona. Ndakarwadziwa kunge ndafirwa!

Zvotiwo ukabvunza vakomana nevasikana vakarasiswa nevanhu vavaida zvikuru, vanokuudza kuti chinhu chikuru chinogona kudonhedzwa chichipwanyika zvakaipisisa muupenyu hwemunhu mwoyo. Kune vane magengezha emwoyo ine maburi-maburi nekunamwa nemabhandeji mazhinji nekuda kwevavakanga vapa mwoyo yavo, asi vakazoidonhedza.

Tine zvimwe zvinhu zvakawanda zvatinodonhedza kana kupunza muhupenyu.

Vamwe vanodonhedza mikana yakanaka yavanenge vawana nekuti pane zvimwe zvinhu zvinongoitika zvichivapa kuti vasafunge zvakatwasanuka panguva yekuyambuka.

Kufanana nemumwe mukadzi kuAmerica akatiza murume wake nekuti aiti murume uyu anonyanya kumuitira zvakanaka nekumuudza kuti anomuda nguva dzose.

Vamwe inogona kunge isiri nyaya yekusafunga zvakanaka, asi inogona kunge iri nyaya yekuti pawatarisana nezambuko pabva paita zvimwe zvinhu zvinonetsa kutsanangura.

Kufanana nemurume akanga ashevedzwa kuti anoita interview yebasa mushure mekunge anzwa nehurovha, asi akabva aita tsaona yakaita kuti hembe dzake dzizare ropa uye iye atomboenda kuchipatara. Paakazoedza kubata vakuru vekambani iye ave masikati, vakamuudza kuti basa rake rakanga ratotorwa nemumwewo munhu. Mukana wake wakapunzika nenzira yakaoma.

Nyangwe zvazvo kupunza zvinhu kusingaitike mazuva ose, kune vamwe vane dambudziko rekuti maoko avo haabate chinopona. Asi hazvireve kuti vanhu vakadaro tovarasa kana kuti tigare tichivapopotera.

Vanotori nedambudziko rinoda tsitsi dzedu nekuti tivabatsire.

Ndaigara nemuzukuru wangu aive nedambudziko rekuti kwese kwaabva aitoda munhu anomutevera achitarisa kuti avhara zvose zvinoda kuvharwa here. Aiti akavhura mafuta, aisasiya akavharika. Akavhura gaba redovi, aingosiya rakashama.

Hazvigone kuti tive vanhu vanoita zvinhu zvakanaka nguva dzose. Kune vamwe vanhu vasingagone kubika vakasapisa zvavari kubika. Vamwewo havagone kutaura vakasagumbura vavari kutaura navo.

Muhupenyu tinogumbura nekugumburwa. Asi zvakanaka kuti tive nemwoyo murefu une tsitsi nerudo. Dai Jesu Kristu aida kunyatsoranga mumwe nemumwe wedu zvinoenderana nekutadza kwedu, dai vazhinji vedu takatoenda kuGehena kare. Asi nekuda kwekuti Jesu ane mwoyo murefu netsitsi nerudo, haatituke kana kutirova zvinoenderana nekuponda, kunyepa, kuba, hupombwe nehutsinye hwatinoita.

Ko iwe zvingani zvaMwari zvawakapunza — kusanganisira sungano, hupenyu, rudo, michato nezvimiro zvevamwe? Ipawo vamwe chanzi seyauri kupihwa naMwari.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey