BHORA HANDI KUTAURA: ‘BAMBO’ CHUNGA

18 May, 2018 - 00:05 0 Views
BHORA HANDI KUTAURA: ‘BAMBO’ CHUNGA Moses ‘Bambo’ Chungaa

Kwayedza

SHASHA yakambonetsa munhabvu – Moses “Bambo” Chunga – anoti chakakosha kuti munhu ave murairidzi webhora handi magwaro ekudzidza asi kuti ruzivo rwakadzama rwunobva pakutamba mutambo uyu.

Bambo, uyo aizivikanwa zvakare nezita remadunhurirwa rekuti “Razorman” mazuva aaitamba nhabvu, anoti vamwe vatambi vakaita mukurumbira saiye havasi kukosheswa munyika muno nekupihwa mukana wekurairidza vachinzi havana magwaro akakwana anotaridza kuti vakadzidza kuti vazove makochi.

“Muno vatambi vakambotamba nhabvu havakosheswe ndicho chokwadi uye ndizvo zvatinoona zvichiitika.

“Kana uchida kurairidza zvinonzi tanga waita mapepa, zvino mapepa ndiwo here anorairidza nhabvu? Munhu akatamba nhabvu ane ruzivo nemutambo uyu neangoita mapepa ndiani ane ruzivo apa rwenhabvu?

“KuEurope ukangotamba nhabvu, wotambira nyika yako, wasendeka kutamba nhabvu vanotokuendesa kuchikoro chekurairidza nhabvu kuti uite mapepa acho anodiwa zvigokubatsira ruzivo rwako rwemutambo uyu,” anodaro Bambo.

Anoenderera mberi achiti anoseka zvake apo anonzwa vaongorori vemutambo wenhabvu vachishoropodza varairidzi vanenge vakundwa mumitambo yezvikwata zvavo vachivati dai vange vatamba nenzira dzakadai asi ivo vasina kana ruzivo rwekurairidza mutambo uyu.

“Vanoongorora mutambo uyu vanogona chaizvo kushoropodza wena, unonzwa vachiti dai vatamba nenzira iyi, dai atamba 3-5-2. Chii chinonzi 3-5-2, zvekuti mbuya vangu kumusha vakaverenga padandemutande vanogona kutaura nezvazvo?

“Uri kunze uko unogona kutaura zvakawanda asi ukanzi urairidze chikwata chikuru apa unotiza wega zvakuremera.

“Nhabvu iyi hauitambe nemuromo,” anodaro.

Zvakadai, anoti parizvino ari mushishi kusimudzira vechidiki kuti vazove neramangwana rakajeka mumutambo wenhabvu.

Anoti zvikwata zvevechidiki zvinofanirwa kubatana nezvemuPremier Soccer League zvopota zvichitumira vatambi vazvo kwete tsika yave kuitwa yekuti vemapoka anozivikanwa nekuti maAcademy kana kuti maAgency ndivo vave kutengesera zvikwata zvikuru izvi vatambi.

“Munhu haatange kutamba nhabvu ave nemakore 25 kana 22 kana 19 okuberekwa, kwete. Asi ane 12 kana kumashure nekuti ndipo paanotanga kubikwa tarenda rake ofambwa naye kusvika ave mutambi chaiye. Isu tinenge tabva naye kure maAgency ouya omunyengera oenda naye kunomutengesa kuzvikwata zvakasiyana isu hapana chatave kuwana nebasa ratinenge taita pakumubika.

“Chimwezve, vamwe vatambi vacho havasi kuzosvika kure nekuti vanomhanyiswa kuendeswa ivo vasati vanyatsoibva izvo zvinozovakanganisa,” anodaro Bambo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey