Bhuku rinobatsira vana nevadzidzisi

20 Oct, 2017 - 00:10 0 Views

Kwayedza

VENTURES Primary Family, Religion and Moral Education Learner’s Book Grade 3 ibhuku rekuverenga revadzidzi rakagadzirwa kutsigira zviri mugwaro idzva re- dzidzo, reNew Curriculum.

Rine zvokuita zvinobatsira vadzidzi kuti vanzwisise chidzidzo cheFamily, Religion and Moral Education pagwaro rechitatu.

Bhuku iri rinopa vadzidzi basa rekuti vaite mumapoka uye mumwe nemumwe.

Ibhuku rinogona kushandiswa kunzvimbo dzose. Izvi zvinoreva kuti vana zvose nemudzidzisi – kunyangwe vakange vari kumusha kana mudhorobha – chidzidzo chinoenderera mberi zvisina dambudziko.

Bhuku remudzidzi rekuverenga rinopa zvakare vadzidzi rodza njere pakupera kwemusoro woga-woga.

Izvi zvinobatsira kuti mudzidzisi aone kuti vadzidzi vanzwisisa here kana kuti kwete. Mudzidzisi anogonawo kuziva kuti oenderera mberi here kana kuti panodiwa dzokororo kuburikidza nerodza njere.

Rinopa zvakare bvunzo yekupera kwekotoro. Mibvunzo yacho inenge ichibata misoro yose yakaitwa kubva kukotoro ichitanga kusvika yapera. Izvi zvinobatsira mudzidzisi kuita ongororo yekuti kubva kotoro ichitanga, ndezvipi zvabatwa nemudzidzi.

Bhuku iri rakanyorwa nemutauro wechiRungu chakareruka zvekuti vadzidzi vari mugwaro rechitatu vanonzwisisa zvisina dambudziko.

Ventures Primary Family, Religion and Moral Education Learner’s Book Grade 3 rinouya nebhuku remudzidzisi rinoratidza kuti chikamu chimwe nechimwe chinodzidziswa sei zvichienderana nemisoro inenge iri mubhuku revana.

Rinopa zvakare mhinduro dzezviitwa zviri mubhuku remudzidzi.

 

Ongororo yebhuku iri yakaitwa naNellia Mayoyo uyo anova mudzidzisi paZimphos Primary School.

Share This:

Sponsored Links