Bhuku rinovaka hwaro hwevana pamitambo

03 Nov, 2017 - 00:11 0 Views

Kwayedza

TINOSANGANA zvakare muchikamu chino chekuongorora mabhuku egwaro reGrade 1 akatsikiswa neCollege Press Publishers. Bhuku ratiri kuongorora rwendo rwuno rinonzi Ventures Primary Physical Education.

Chidzidzo chePhysical Education chakava nekuvandudzika kwakanaka uye chakapihwa chiremera chakanaka mubumbiro idzva redzidzo muZimbabwe.

Nechinangwa chekutsigira kubudirira kwemadzidzisirwo echidzidzo chePhysical Education muZimbabwe, College Press Publishers yakatsikisa mabhuku matsva eVentures Primary Physical Education. Mabhuku aya anotarisirwa kubatsira vana kuti vadzidze chidzidzo chePhysical Education.

Mabhuku ePhysical Education padanho reGrade 1 anosanganisira remudzidzi nerevarairidzi.

Bhuku revadzidzi nderekuverenga (learner’s book). Mubhuku iri mune mifananidzo yakajeka inoratidza zvinhu sezvazviri uye sezvinofadza vana vegwaro iri kuti vafarire kuverenga.

Bhuku revarairidzi rakarongerwa zvingadzidzwa nevana pagore rose. Vadzidzisi vakabatsirwa kuita nhevedzwa (lesson plans). Vadzidzisi vanotarisirwa kushandisa nhevedzwa sezvakapihwa mubhuku revadzidzisi kana kuvandudza zvinoenderana nezvavanenge vachiona zvakafanira pachikoro pavo.

Vana nevadzidzisi vanotarisirwa kubatsirikana zvakanyanya nemabhuku aya pazvididzo zvakaita sezvekuziva zviri pamusoro pemiviri yavo (my body), zveutano nekudzivirira njodzi (safety and health), zvekugwinyisa miviri (locomotion, balances, and coordination), zvekutuhwina (aquatic skills) zvemitambo yakasiyana-siyana (play and game skills) uye zveunyanzvi hwemijawo yevana (kids athletics).

Chidzidzo ichi chinobatsira kupa vana hwaro hwekuti vakure vakagwinya uye vave vanofarira mitambo sechinhu chinogona kuvawanisa chouviri kana vachizenge vakura.

Nyanzvi dzemitambo yakasiyana-siyana yakaita senhabvu, kushambira necricket dzinowana mari yakawanda kwazvo yekuraramisa mhuri dzavo.

Nokudaro vana vanofanira kufarira zvemitambo kubva pagwaro rekutanga muzvidzidzo zvavo. Bazi redzidzo yepuraimari nesekondari rinotendwa nebasa guru rekuvandudza madzidziro sezvinoratidzwa mubumbiro idzva redzidzo.

Mabhuku eVentures Physical Education anonyatsopa vana madzidziro chaiwo akafanira pazera reGrade 1. Zvidobi neunyanzvi hwemitambo zvinotanga kudzidziswa kuvana kubva pagwaro reECD A. Zvakakosha kuti zvikoro zvose zvine vana vegwaro iri zvive nemabhuku aya kuitira kuti vana vafambirane nezvinotarisirwa nebumbiro idzva redzidzo.

Ongororo iyi yakaitwa naPeno Shadrick naShepherd Kugara.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey