Uncategorized

‘Bhuru’ remusha rakazoiswa kii

30 Mar, 2018 - 00:03 0 Views
‘Bhuru’ remusha rakazoiswa kii Themba Zimhondi

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MURUME anogara mubhuku raRubatika, kwaSeke, kudunhu reMashonaland East, ane dambudziko rinoshamisa — sikarudzi yake inotsakatika zvekusara angova “ruware” pose paanoda kusangana nemudzimai wake muimba huru.

Pamusoro peizvi, murume uyu anoti sikarudzi yake inombozvimba ichirwadza zvikuru izvo zvinomuita kuti atadze kuita tsvina kana weti zvakanaka.

Themba Zimhondi (38) anotaura dambudziko rake kuKwayedza pasina kana kunyara achiti ari kutsvaga vangamubatsira.

Zimhondi — uyo ava nemakore maviri aroorana nemudzimai wake Vimbiso Kaseke (21) — anofungidzirwa kuti anogona kunge akaenda pabonde nemudzimai wemuridzi zvikazoita kuti abatwe nerunyoka kana kuti rukawo.

“Ndatambura nenyaya iyi, handizive kuti ndinobatsirwa nani — n’anga kana kumaporofita. Ndapedza mari asi pasina chinofamba.

“Pandinongotanga kuda mudzimai wangu, nhengo yangu inobva yashaika zvekuny’ura mudumbu kana kudupika semuchisi. Nekudaro mumba mangu nemudzimai hamuna chiri kuitika, tongoti imba huru yakafa,” anodaro Zimhondi.

Anoti akaroora mudzimai wake aine mwana wake kare nemumwe murume uye anonzwira mukadzi wake tsitsi nekuti ari kumugarisa semunhu asina murume.

“Kwandinofamba, ndinonzi ndinogona kunge ndakashinha nemudzimai wemuridzi ndikabatwa nerunyoka rwunony’udza nhengo mukati. Asi ini handina mudzimai wemunhu wandinoyeuka,” anodaro Zimondi.

Zimhondi anoti paakatorana nemudzimai wake uyu, dambudziko iri raiva ratanga kare asi zvaiva nani pane zvazvave.

“Pane mashoko anotaurwa nevanhu muno kunzi ndakashereketa nemudzimai wemumwe murume ari mumusha muno. Asi handizvo uye handizive matangiro azvo, ndakangoerekana zvave kuitika. Kana zvatanga mudumbu mangu munorwadza zvekuti ndinotadza kana kufamba,” anodaro.

Zimhondi anoti ane fungidziro yekuti zvichida akagadzirwa nevasikana kana pfambi idzo aimbodanana nadzo kare.

“Kutaura chokwadi ndakatamba nevasikana nemadzimai akawanda – kana pfambi asi vose vasina varume. Hamheno kana ipapa ndakasangana nemukadzi akaroorwa ndisingazive.

“Chokwadi ndechekuti ndakasasana nevakadzi vakawanda kwazvo, handingagone kuvaziva huwandu hwavo. Ndaiva bhuru chairo.”

Zimhondi anoti panguva iyo akanga asati aroora, aikecha pfambi zuva roga-roga.

“Handina mhando yemukadzi yandisina kusangana nayo, asi zvino ndava kuda kununurwa. Handichaziva kuri kubva dambudziko rangu,” anodaro.

Dambudziko iri anoti radarika makore maviri ainaro.

Zimhondi anoti baba vake, VaEmmanuel Zimhondi zvose naamai vake, Mai Maria Jani, vapenyu uyu vanomukurudzira kuti afambe abatsirwe padambudziko rake.

Kwayedza haina kukwanisa kutaura nevabereki vemurume uyu. Zimhondi anoti ari kuronga zvekumboenda kumusha kwavo kwaSadza, kuNjanja, kuti anotsvaga rubatsiro kudzimwe hama dzake dziriko.

Mudzimai wake – Kaseke – anotsinhira dambudziko rine murume wake achiti zvavashaisa mufaro mumba mavo.

“Tine dambudziko mumba medu, ndingade murume asi hapasisina zvababa apa. Ndikamubvunza anonditi haazive kuti zvakatanga sei,” anodaro Kaseke.

Anoti panguva yavakatorana, zvaiva nani.

“Ndiri mukadzi wechidiki anodawo murume sevamwe vakadzi asi hakuna kwandichazviwana nekuti baba vava nedambudziko guru iri. Ndinongozvitambira, handina chekuita nekuti murume wangu ndinomuda. Rimwewo gore achasunungurwa,” anodaro.

Vaviri ava vanogara pamba peimwe mhuri apo vanochengeta.

Sabhuku Rubatika, VaDereck Rubatika (51) avo vanove zvakare sekuru vemudzimai waZimhondi, vanotsinhira dambudziko rakatarisana nevazukuru vavo.

“Ichokwadi ane dambudziko rekuita ruware. Mukadzi wacho akatouya kwatiri semadzisekuru achiti murume wake anotsakatika sikarudzi panguva yavanoda kusasana,” vanodaro.

Vanoti pane nyaya yekunzi Zimhondi akadanana nemudzimai wemunhu mumusha umu uko akagadzirwa.

“Nyaya yekunzi Themba akashereketa nemukadzi wemuridzi akagadzirwa yakasvika kwandiri sasabhuku ndikamubvunza Themba asi akazviramba. Mukadzi anotaurwa kunzi akashinha naThemba tinaye muno zvose nemurume wacho, asi hatigone kunovabvunza kana iye Themba achizviramba.

“Zvaitoda kuti aripe murume ane mukadzi waakashereketa naye, kana pasina izvozvo kana kuri iko kwakabva dambudziko rake hatina zvatinokwanisa kuita,” vanodaro.

Sabhuku Rubatika vanoti vave kutyira kuti mudzimai waZimhondi achazogumisira akundwa nemiyedzo akatsvaga vamwe varume vekumugutsa sezvo achiti mumba make hamuna chiri kuitika.

Votaura nezvenyaya iri kuitika kumurume uyu, Mbuya Marita Ried (54) vekuChitungwiza, vanoti Zimhondi anorapika, ndokukurudzira kuti abude pachena kumuridzi wemudzimai waanonzi akashinha naye. “Murume uyu ngaasanyara kana achida kubatsirwa, ngaabude pachena, otuma vakuru kunopotera kumuridzi wemudzimai waanonzi akashereketa naye,” vanodaro Mbuya Ried.

Share This:

Sponsored Links