Uncategorized

BHURUGWA RAVAHOSI MUGABA RINE DOVI . . . ‘Mushonga wangu wekuronga mhuri’

25 May, 2018 - 00:05 0 Views
BHURUGWA RAVAHOSI MUGABA RINE DOVI . . . ‘Mushonga wangu wekuronga mhuri’

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MUKADZI akaroorwa pabarika kwaChivero, kuMhondoro, ari kubvuma kuti ndiye akaba zvipfeko zvemukati zvavahosi vake — chimwe chacho akachibairira tsono ina, ndokuchisanganisa nemishonga, achibva azochigarisa mubhodhoro rake rine dovi.

Munyaya yakatopinda mudare raMambo Chivero nguva pfupi yadarika, zvakabuda pachena kuti mukadzi wechipiri pabarika uyu ange achichengetera chipfeko chemukati chaamaiguru vake mubhodhoro rine dovi iro anogara naro pose paari.

Gure rakaputika apo chipfeko ichi chakawanikwa nehama dzekumurume chiri pakati pembatya dzemukadzi uyu dzaive mubhegi rake.

Zvinonzi mukadzi wekuba zvipfeko zvamaiguru vake uyu ari pachipari chevakadzi vaviri vemubhuku raChikanga, iye ari mudiki.

Nyaya iyi yakapinda mudare raMambo Chivero, VaBrown Shopo, apo mhosva yakazobata murume wemadzimai maviri aya, uyo akazonzi aripe mudzimai wake mukuru nemombe mbiri sezvo mukadzi wake mudiki ari iye akaba zvipfeko zvavahosi izvi.

Mabharani mudare raMambo Chivero, VaSilent Kaseke (43), vanoti mudzimai mudiki waLivingstone Takaendesa (34) akaba zvipfeko zvemukati zvemukadzi mukuru vari kuHarare, ndokuenda nazvo kumusha uko rimwe bhurugwa rakazowanikwa riri mugaba raiva nedovi nemishonga uye rakabairirwa tsono ina nechepakati.

Izvi ndizvo zvakazoita kuti nyaya iyi imhan’arwe kudare ramambo.

“Livingstone Takaendesa ane madzimai maviri – mukuru Prisca Shoko nemudiki wacho, Everesi Shaura. Murume uyu akanga atiza mudzimai mukuru achinogara nemudiki kwakare kuHarare.

“Livingstone nemudzimai wake mudiki vakazoshanya kumusha kwemurume vachinorakidza mwana mucheche uko kwakasvikoonekwa kuti mudzimai mudiki uyu aiva aba zvipfeko zvemukati zvemudzimai mukuru. Izvi zvakaonekwa navamwene natete hanzvadzi yemurume panova pakabudira nyaya yose kusvikira yazokwidzwa kudare redu,” vanodaro VaKaseke.

Zvakabuda mudare iri kuti Livingstone akabvakacha kumba kwevabereki vake akasvika pamba husiku aine mudzimai mudiki nemwana wavo mucheche. Nekuda kwekuti ainge asina kusuma amai vake kuti akanga ava nemudzimai wechipiri, amai vacho vanonzi vakaramba kuvatambira kuti vapinde mumba zvikazoita kuti vangopinda mune imwe imba yaiva isina vanhu ndokuraramo.

“Dare ranoziviswa kuti murume nemukadzi ava vakafumobva pamba apa rungwanani ndokuenda kumusha kwevabereki vemukadzi kwaSabhuku Bure, muno maChivero, asi vakasiya mabhegi avo mumba umu.

“Mudzimai mukuru anonzi akazosara achiridza nhare kuna vamwene vake achivazivisa nezvekushaya zvipfeko zvake zvemukati nedzimwewo mbatya uye achifungira mudzimai mudiki uyu.

“Izvi zvakazopa kuti vamwene vabvurunure mabhegi emuroora mudiki ayo ainge asiya. Ndipo pakazowanikwa gaba redovi raiva nemvura nechipfeko chemukati chakaiswa mumushonga uye chakabairirwa tsono ina pakati,” vanodaro VaKaseke.

Mugaba iri munonziwo maiva nevhu rainge rakasungirirwa mukapepa zvinofungirwa kuti itsoka yemudzimai mukuru yakanokorwa, ivhu racho ndokuchengetwa.

Mudzimai mukuru akatsanangurirwa nezvebhurugwa raiva rawanikwa rakabairirwa tsono akatsinhira kuti ainge ashaya rake rakadaro.

Mudzimai mudiki ari kunzi akazonyara kudzokera kumba kwavamwene vake mushure mekuziva kuti gure rainge raputika apo akazoenda kumba kwatete hanzvadzi yemurume, Efiness Takaendesa (28) kwaSabhuku Matema, kwakare kwaChivero.

Anonzi akasvikokumbira tete ava kuti vamuperekedze kunotora mabhegi ake kwavamwene.

VaKaseke vanoti tete ava vakabvunza muroora mudiki uyu nezvegaba rine chipfeko chemukati nemishonga netsono kuti raiva raani, apo anonzi akabvuma kuti nderake uye anofamba naro.

“Muroora mudiki anonzi akataurira tete ava kuti uyu mushonga wekuti asabereke uyo akapihwa naambuya vake uye unorapa kuti asarambe achitevera sezvaaimboita. Dare rakati uku kuda kuhwanda mhosva bedzi,” vanodaro VaKaseke.

Mudzimai uyu anonzi akaedza kutora mabhegi ake asi akaanyimwa, vemhuri iyi vachida kumirira kuti muroora mukuru atange aona mashura aya.

Livingstone anonzi aona kuti gaba raiva nebhurugwa iri rairambirwa pamwe chete nemabhegi anyachide, anonzi akazoenda kuna amai vake achiti aida bhegi rake iro akanyimwawo.

Efiness, uyo akanga achitungamira kufambiswa kwenyaya iyi, anonzi akazoudza Livingstone kuti aende nemadzimai ake ose kuti nyaya iyi igadziriswe, izvo murume uyu akaramba.

Efiness ndiye akazomhan’ara nyaya iyi kudare raMambo Chivero zvikaita kuti mhuri iyi ishevedzwe apo panonzi pakauya murume nemudzimai mukuru asi mudiki haana.

Gaba iri rakaburitswa mudare rikaonekwa mukati maro muine chipfeko chemukati chechikadzi chitema. Kunze kwekuva nedovi, mugaba iri maive makaiswa tumvura nemushonga, apo chipfeko ichi chainge chakabairirwa tsono ina.

Mudzimai mukuru anonzi akabvuma kuti chipfeko ichi ndechake icho akashaya kumba kuHarare.

“Dare raona kuti chokwadi mainini ava vaiva vaba mbatya dzavahosi nechikonzero chingangodaro chiine chekuita nezvemishonga, Livingstone akazonzi aripe mombe mbiri kumudzimai wake mukuru,” vanodaro VaKaseke.

Mbuya vmukadzi nyachide uyu – avo vaiva padare iri – vanonzi vakabvuma kuti vakapa muzukuru wavo mushonga achiri mhandara wekuti akure akasimba, kwete wekushereketa.

Vamwe vevanhu vaiva padare iri ndaamai vaLivingstone, Mbuya Anastancia Nzuwa, Efiness naPrisca, uyo anova imwe hanzvadzi yaLivingstone.

Hama dzemudzimai mukuru dzinonzi dzakapa yambiro kumudzimai mudiki dzichiti kana mwana wavo akangowana chakaipa chinoitika kwaari, vachaenda naye kumusha kwemukadzi mudiki voona zvekuita naye.

Dare iri rakapa Livingstone kusvika kupera kwemwedzi waChivabvu kuti aripe mudzimai wake mukuru mombe mbiri dzekubirwa zvipfeko zvake nemudzimai mudiki.

Mambo Chivero, VaBrown Shopo, vanoyambira madzimai ari pachipari kuti vasashandisirane mishonga pakuti vadiwe, asi kuti vabike mitakunanzva yekudya nekugeza kudarika vavanokwikwidzana navo.

Vanokurudzira mudzimai mukuru nehama dzake kuti vafambire nyaya yezvipfeko zvakabiwa izvi.

Share This:

Sponsored Links