Bio-tech yosimudzira kurima

21 Nov, 2014 - 00:11 0 Views
Bio-tech yosimudzira kurima

Kwayedza

bioscienceMuchaneta Chimuka naDaphne Machiri
SANGANO reNational Bio-technology Authority (NBA) riri kusimudzira nyaya dzekurima kuburikidza nekushandisa ruzivo rwechizvino-zvino mukuvandudza zvirimwa nezvipfuyo. Bio-technology ruzivo rutsva rwekusimudzira zvirimwa nezvipfuyo kuburikidza nekushandiswa kwezvinhu zvinorarama zvichibatsira kuchengetedzwa kwenharaunda, utano hwevanhu, nyaya dzekurima nekusimudzirwa kwemaindasitiri.

Vachitaura pazuva rekuparurwa kwechirongwa cheBio-technology Awareness for National Development, chamangwiza weNBA Dr Jonathan Mufandaedza vakati pachine basa guru kuti nyika inge ichiwaniswa ruzivo urwu kuitira kuti igova nemaguta, zvikuru sei munguva ino yekusanduka kwemamiriro ekunze.

“NBA ine donzvo rekusimudzira ruzivo neongororo mune zvekurima, utano nenharaunda. Kana vanhu vakawaniswa ruzivo urwu pamwe nekurutevedza nyika inosimukira ikave nemaguta. Bio-technology ndechimwe chezvikamu chiri muchirongwa cheHurumende chekuvandudza hupfumi hwenyika cheZimAsset.Tinoita zvekare ongororo yezvimwe zvirimwa nenyama izvo zvinobva kune dzimwe nyika senzira yekudzivirira zvirwere kuvanhu,” vakadaro Dr Mufandaedza.

Vakati vari kushanda pamwe chete nebazi redzidzo yepamusoro, sainzi nekusimudzirwa kwemichina nechinangwa chekufundisa varimi nevatsigiri vavo zvakakoshera kushandisa ruzivo urwu.

Mukuru wechirongwa ichi vari zvekare mupakuri weruzivo kubazi redzidzo yepamusoro, sainzi nekusimudzirwa kwemichina, Mai Rungano Karimanzira, vakati chinofanira kuvandudzwa munyika muno pachiitwa ongororo kuitira kuti pave nekuchengetedzwa kweupenyu hwevanhu.

“Tinoda kuti chirongwa ichi chibatsire varimi, kusanganisira vari kumaruwa zvikuru munyika dzichiri kusimukira kuti vave neruzivo rwakakwana rwemarimiro akanaka. Kuburikidza nechirongwa ichi, varimi vanobatsirikana nekuwana goho guru uye rine utano,” vakadaro.

Dr Walter Sanyika avo vanove mudzidzisi paChinhoyi University of Technology vakati ruzivo rweBio-technology rwakakoshera nyika sezvo rwuchikurudzira kuchengetedzwa kwemamiriro ekunze zvakare.

“Tave kukwanisa kuderedza kusimuka kwehutsi kubva mumaindasitiri, kuraswa kwemarara zvakare nechikafu chinenge chasara kunoderera sezvo zvinoshanda kugadzira moto wekubikisa, nzimbe zvakare tinodzishandisa kugadzirira mafuta ekufambisa motokari, Chisumbanje Ethanol Plant inova iri kushandisa bio-technology,” vakadaro Dr Sanyika.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey