Bira ReChishonal Zvikoro 28 zvakaunganira Kwayedza l Dada nerurimi rwaamai – Chisamba

17 Jul, 2014 - 17:07 0 Views
Bira ReChishonal Zvikoro 28 zvakaunganira Kwayedza l Dada nerurimi rwaamai – Chisamba

Kwayedza

VANA vechikoro vanokurudzirwa kuti vadade nemutauro werurimi rwaamai sezvo uri iwo unopa mutsigo, hunhu pamwe negwara reupenyu.
Kurudziro iyi yakaitwa naMai Rebbecca Chisamba svondo radarika apo vaitaura kuvakuru vezvikoro, vadzidzisi nevana vezvikoro zvinodarika 28 pazuva rebira guru rekusimudzirwa kwemutauro weShona iro rakaitwa pachikoro cheKotwa High, kuMudzi.

Chiitiko ichi chakakotsverwa nekambani huru inodhinda mapepanhau yeZimpapers, kuburikidza nebepanhau reKwayedza.

Mai Chisamba vakamhura tsika yekurasa mutauro waamai yave kuitwa nevechidiki vachiti vechidiki ava vanofanira kudada nerudzi rwavo.

“Musarase rurimi rwaamai, dadai nerudzi rwenyu, dadai nerurimi rwenyu. Vangani venyu vanorota nechiRungu? Dadai nezvamuri, rurimi rwedu rwunotipa ruremekedzo,” vakadaro Mai Chisamba.

Vakaenderera mberi nekukurudzira vana vechikoro kuti varambe vachisimudzira mutauro werurimi rwaamai, uyo vakati vamwe vari kuutarisira pasi zvikuru.

Vachitaurawo pachiitiko ichi, mukuru wechikoro cheKotwa High, VaTaremeredzwa E. Chikwete, vakati nguva yadarika vaishushikana zvikuru nekufoira kwaiita vana chidzidzo cheShona izvo zvakaita kuti vagare pasi nevadzidzisi vepachikoro chavo nechinangwa chekutsvaga nzira dzekuti vana vabudirire muchidzidzo ichi.

Vanoti vakawirirana nevadzidzisi ava kuti vapote vachitenga bepanhau reKwayedza svondo roga-roga sezvo riine zvikamu zvinobatsira vana veForm 1 kusvika Form 6 muzvidzidzo zveShona uye vari kuona shanduko kuburikidza nekubudirira kwave kuita vana vavo pabvunzo dzeShona dzeO- neA-Level.

“Ndakashushikana zvikuru apo vana vechikoro vainge vachifoira chiShona.

“Ndipo patakaronga kuvatengera bepanhau reKwayedza uye nhasi uno ndinofara nekuti izano rakanaka ratakaita, Kwayedza iramba waraira. Iye zvino vana vedu dzava shasha dzemandiriri muchidzidzo cheShona.

“Dai zvimwe zvikoro zvatora muenzaniso uyu uye kutaura kuno vana vane chitsama vepaKotwa vakakumba mibairo mumakwikwi eDetemba Tinzwe emuKwayedza zvinova zvinotipa manyemwe,” vakadaro VaChikwete.

Sangano reFriends of the Environment, iro rinoshanda pamwe chete neKwayedza, rakapawo miti inodarika 150 yekusima kuchikoro cheKotwa High nezvimwe zviri mudunhu iri.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey