Uncategorized

Bishop akabvisa baba sikarudzi

13 Jul, 2018 - 00:07 0 Views
Bishop akabvisa baba sikarudzi Mesa Pasiparova

Kwayedza

‘Inhema, vane godo neni’

BISHOP wechechi yeJekenisheni kuBuhera, kuManicaland, ari kupomerwa nehama dzake kuti akacheka ndokubvisa nhengo dzesikarudzi pachitunha chababa vake, izvo anonzi akatiza nazvo akaenda kusina anoziva kuti akanoitei nazvo.Bishop Silas Pasiparova vemubhuku raMutendamambo, kwaNyashanu, anonzi akacheka nhengo dzakavandika dzemutumbi wababa vake, mushakabvu VaChamunondirwa Mesa Pasiparova.

Bishop uyu ndimuzvinabhizimisi munzvimbo iyi.

Mutevedzeri wemutauriri wemapurisa kudunhu reManicaland, Assistant Inspector Luxson Chananda, vanoti vanoda nguva yekuongorora mafambiro enyaya iyi.

Asst Insp Chananda

Zvisinei, Bishop Pasiparova ari kuramba nyaya iyi achiti mashoko ari kugadzirwa nehama dzake dzine godo nekubudirira kwake. Asi anotsinhira kuti akatomborohwa nehama dzake dzichimupomera kucheka sikarudzi pachitunha chababa vake.

Pakasvikirwa bishop uyu pamba pake nevatori venhau svondo rapera, akawanikwa asipo achinzi ainge afamba.

Zvisinei, Bishop Pasiparova akazoudza Kwayedza panhare kuti ainge asina kufamba rwendo, asi kuti ainge avahwanda.

Asi svondo rino anozoudza mutori wenhau uno panhare — uyo waainge amboita seanotuka pekutanga — kuti ava kuda kutaura zvose zvakaitika.

“Ndiudzei kuti nyaya iyi makainzwa nani, ndiyani chaiye akauya kuzokutaurirai? Ndinoziva kuti mwana wangu anoshanda kuHarare ikoko. Ndiye futi akambotungamirira vanhu kundirova parufu, vakandigusa vhudzi rangu reRasta iro ravakatora vakaenda naro.

“Imimi dzokai kuno kuchechi kuChipinge titaure. Nyaya iyi yava kukwira makata . . .,” Bishop Pasiparova anodaro nemusi weChipiri svondo rino.

Hama dzaBishop Pasiparova idzo dzakataurwa nadzo neKwayedza dziri kupupura nyaya iyi dzichiti izvi zvakaitwa nekuda kwekuromba.

Correct Pasiparova (20), uyo agere mubhuku raUnganayi, kwaMukuri uye ari mwana kuna Bishop Pasiparova, anoti nyaya iyi iri kuvatemesa misoro semhuri.

Correct Pasiparova

“Babamukuru Silas Pasiparova — avo vakatama muno mumusha vachinogara kwaMutendamambo, makare muno muBuhera – vakacheka zvinhu zvasekuru vedu baba vavo, VaChamunondirwa Mesa Pasiparova. Pakashaika sekuru munguva pfupi yakadarika, babamukuru bishop vakaudza vanhu vose kuti vambobuda mumba vachiti vane zvavaiva vasiya vataurirwa nababa vavo. Ndipo pavakacheka sikarudzi yasekuru yose isu vamwe tisina zvatakaziva sezvo takaburitswa panze,” anodaro.

Zvinonzi Bishop Pasiparova — sezvo vari ivo mukomana mukuru mumusha uyu – hapana akavapikisa pane zvavaida kuita uye vanonziwo vakazorambidza vanhu kuti vaonekane nemufi uyu vachiona chitunha chake.

“Pakaita mhirizhonga vanhu vachida kuziva kuti babamukuru ava vaiita sei voga nechitunha mumba. Pakapotsa parwiwa, Silas akagumisira abata pfumo.

“Mutumbi wakazoonekwa nemuzukuru wedu mukuru, Bunny Bimha, uyo akaita nharo ndokutanga kupinda mumba. Akabuda mumba ndokutanga nekuudza amainini vake, Find Zvenyika, kuti sekuru vainge vachekwa sikarudzi.

“Izvi zvakave pachena nekuti kana magumbeze nemachira aiva akaradzikwa mutumbi akange azara ropa,” anodaro Correct.

Anoti chishamiso ndechekuti vaviri kutanga kuziva nyaya iyi – Bunny natete Find – vose vakafa vasina kurwara. Find anonzi akarumwa nenyoka kubindu, Bunny ndokungopundika, ndiye sarai.

Hardlife Pasiparova – mumwe wevana mumhuri iyi, uye akataurwa naye parunhare – anotsinhira achiti: “Iyi inyaya yakatishamisa zvikuru. Silas ndibaba wedu asi akacheka nhengo dzakavandika dzasekuru, baba vake. Tinongoti akanozvishereketera.

“Izvozvi vanhu vave kufa nekuda kwemweya wasekuru vedu wave kudzoka uchiti makandichekerei.”

Mushakabvu Find, uyo akashaika munguva pfupi ndine anonzi aiva mutevedzani naBishop Pasiparova.

“Tete Find pavakarwara vachizofa, vakasiya vataura nyaya iyi kuti hanzvadzi yavo akacheka sikarudzi yababa vavo. Zvino tava kufa sembeva nekuda kwenyaya iyi,” anodaro Hardlife.

Mesa Pasiparova (42), anove mwana kuna Bishop Pasiparova, anotsinhirawo.

“Baba Silas Pasiparova vakacheka sekuru wedu mitezo vakaenda nayo hamheno kuti kupi. Nyaya iyi yanetsa zvikuru, sekuru vave kumuka ngozi yave kupedza mhuri.

“Takamboungana semhuri babamukuru Silas vakabvuma nyaya iyi, tikawirirana kuti taizofamba tose semhuri nyaya yacho yogadziriswa,” anodaro Mesa.

Anoti vaiva padare remhuri pakataurwa nyaya iyi vanosanganisira Joseph Pasiparova, Semious Mukuri Pasiparova, Ringisai Pasiparova, Kunarwo Pasiparova, Mandengerero Pasiparova nedzimwe hama.

Zvichitevera kufa kwaBunny, asara semuzukuru mukuru mumhuri yekwaPasiparova, VaTemai Chando, vanotsinhirawo nyaya iyi pavakataurwa navo panhare.

“Mumusha wanasekuru vangu makashereketwa izvo zvinoda kuti vagare pasi zvigadziriswe. Sekuru Silas vakacheka zvombo zvababa vavo vakaenda nazvo kusina anoziva. Zvinonzi zviriko kumba kwavo sekutaura kwemaporofita,” vanodaro.

Asi Bishop Pasiparova paakashanyirwa neKwayedza kumba kwake nekuchitoro chake pataundishipi yeZinyamapere, kuGunura, kwaMutendamambo, akawanikwa asipo achinzi ainge aenda kuchechi kuChipinge uko kwaiva negungano.

Vatori venhau vakatevera kumuzinda wechechi yeJekenisheni kuChipinge uko Bishop Pasiparova akasvikoshaikwa zvakare.

Panzvimbo iyi pakawanikwa paine vamwe vakuru vechechi vanosanganisira Bishop Ganga, Pastor Magaisa naVaMhute, avo vaiva pachikoro cheMaunganidze Primary, kuChipinge ikoko.

Bishop Ganga

“Maita zvakanaka mauya tikanzwa nyaya iyi.

‘‘Akambouya achiti kumusha kwake kwaiva kusina kuita zvakanaka, arwiswa panhamo akakumurwa mbatya ndokurariswa akasungwa maoko nemakumbo pamoto achidirwa mvura. Ipapo akabva agerwa vhudzi remhotsi iro akanga anzi nemweya muchechi medu asagerwe,” vanodaro VaMhute.

Vanoenderera mberi vachiti, “Anoti aiva akasungwa maoko nekumashure achinzi aitire weti panzvimbo iyi zvinonzi zvakasanganiswa weti nevhudzi rake zvikaendwa nazvo kunogadzirwa.”

Muchechi iyi zvinonzi vakuru vemo havagerwe vhudzi kana zvichinge zvabva kumweya.

VaGanga vanoti Bishop Pasiparova ndiye mukuru wemabishop muchechi yavo uye ari zvakare sachigaro wavo munyika muno nepasi rose.

Bishop Pasiparova akazoridzira nhare mutori wenhau uno achitsinhira kuti nyaya yekunzi akacheka sikarudzi yababa vake iri kutaurwa.

“Ichokwadi, hama dzangu dziri kundipomera kuti ndakacheka nhengo dzakavandika dzechitunha chababa vangu. Asi idzi inhema, inyaya yegodo neni nekuti ndakabudirira uyewo vana vangu vakasimukira.

“Pandaicheka ivo vaiva kupi? Iwo madzishe nemadzimambo vemuno muBuhera sei vasina kundigadza dare kana kusungwa nemapurisa?” anodaro bishop uyu.

Anoti paakashaikwa kumba kwake neKwayedza svondo rapera, ainge atiza motokari yevatori venhau achifungira kuti ihama dzake dzaimutsvaga nekuda kwenyaya iyi.

“Iyemi vatori venhau mune dhiziri rakawanda nhaika? Kuuya kure kwese uku kutevera manyepo? Ndakarohwa nevana vangu paine mumwe muCID kuHarare vakandikumura mbatya ndikasungwa maoko nemakumbo, ndokugerwa musoro vachiti muvhudzi ndimo maiva nesimba rangu. Vakandizora mafuta andisina kuziva vakazotora vhudzi rangu vakaenda nazvo,” anodaro.

Bishop uyu anoti akamhan’ara nyaya yekurohwa kwake kumapurisa eZimbabwe Repulic Police kwaMuzokomba.

“Nyaya yangu haisi kumbofamba, ndichada kuenda kuvakuru vemapurisa kuHarare kuti ndibatsirwe.

‘‘Iye zvino nyaya iyi yava pasi pechechi, ndivo vave kundibatsira. Dai muri vamwe maita kuti ndizivewo kuti sei nyaya yangu isiri kufamba,” anodaro.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey