Brazil 2014 World Cup pfacha

13 Jun, 2014 - 00:06 0 Views
Brazil 2014 World Cup pfacha NEYMAR da Silver Santos (Jnr)

Kwayedza

NEYMAR JUNIOR

Abel Ndooka
KUNOTSVA demo kuchisara mupinyi kuBrazil kutanga svondo rino apo nyika 32 dzichange dzichirwira mukombe weWorld Cup. Zvikwata zvinoti Brazil, iyo ichange iri pamusha, Spain, Germany, Argentina  nePortugal ndizvo zviri kufungidzirwa nevazhinji kuti  zvinogona kutora mukombe uyu.

Zvakadaro, zvimwe zvakaita seBelgium, France, Uruguay, Netherlands neNigeria zvinogona kushamisa vanhu kumutambo uyu.
Gore rino zvikwata zvese zviri 32 zviri kumutambo uyu zvakaiswa mumapoka masere kubva paGroup A kusvika paH uye muboka rega-rega muchange mune zvikwata zvina.

Svondo rino mutambo wekutanga uchaona Brazil ichisangana neCroatia uye maziso ese achange ari pamutambi weBrazil pamwe neBarcelona anonzi Neymar da Silver Santos (Junior) uyo anonyanya kuzivikanwa saNeymar.
Mutambo uyu uchange wakaoma nekuti zvikwata zviviri izvi zvine vatambi vanogona.

Croatia ine vatambi vakaita saLuka Modric pamwe naMario Mandzukic kozotiwo Brazil ina Neymar, Oscar, Ramires, Fred, David Luiz pamwe nevamwe vakawanda.

Asi pamitambo yese ichatambwa kumagroup-stages svondo rino, mutambo wakanyanyotarisirwa ndewe muGroup B weSpain neNetherlands.
Spain ndiyo iri kurwira kuchengetedza mukombe weWorld Cup uyo yakahwina kuSouth Africa mugore ra2010 apo yakakunda Netherlands mufainari yemutambo uyu.

Zvakadaro, zvikwata zvakasangana mufainari makore mana adarika gore rino zvichasangana mumutambo yazvo wekutanga muGroup B. Netherlands kana kuti Dutch ichiri nehuturu hwekukundwa kwayakaitwa kuSouth Africa neEspania izvo zvichaita kuti mutambo uyu unakidze zvikuru.

Mumwe mutambo uchange wakatariswa zvikuru nevatsigiri venhabvu uchange uri wemuGroup D apo England ichasangana neItaly musi weMugovera. Boka iri pamwe neGroup G ndiwo akaomarara zvikuru kumutambo uyu.

Mugroup D mune zvikwata zvinoti England, Italy, Uruguay pamwe neCosta Rica kozoti mugroup G mune Germany, Portugal, Ghana pamwe neUnited States of America.

Vamwe vatambi vari kutarisirwa kupenya kumutambo uyu vanosanganisira Lionel Messi weArgentina, Cristiano Ronaldo wePortugal, Sergio Aguero weArgentina, Yaya Toure weIvory Coast, Mario Gotze weGermany, Eden Hazard weBelgium  naLuis Suarez weUruguay.

Group A    
Brazil
Croatia
Mexico
Cameroon

Group B    
Spain
Netherlands
Chile
Australia

Group C
Colombia
Greece
Côte d’’Ivoire
Japan

Group D  
Uruguay
Costa Rica
England
Italy

Group E    
Switzerland
Ecuador
France
Honduras

Group F
Argentina
Bosnia and Herzegovina
Iran
Nigeria

Group G
Germany
Portugal
Ghana
USA

Group H
Belgium
Algeria
Russia
Korea Republic

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey