Budai pachena mubatsirwe: wag

01 May, 2015 - 00:05 0 Views

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
MUKURU wesangano reWomen’s Action Group (WAG), Mai Edinah Masiyiwa, vanoti vanhukadzi vanosangana nematambudziko ekushungurudzwa zvikuru, ayo anosanganisira kubatwa chibharo. “Madzimai nevanasikana vari panyatwa yekubatwa chibharo, zvikuru nevanhu vanenge vari pedyo navo nguva dzose, avo vanoziva matambudziko avanenge vakatarisana nawo.

“Panyaya iyi, mudzimai uyu anoti akabatwa chibharo nemurairidzi wake uyo waakange ave kushandira, kureva kuti akatora mukana wekutambura kwemwana uyu panguva iyi uye aitoziva kuti nyaya iyi yaigona kutadza kumhan’arwa nekuti ndiye akange achimutambirisa mari. Tinoti

kumadzimai nevasikana budai pachena mubatsirwe kana kodzero dzenyu dzichinge dzambunyikidzwa neipi zvayo nzira.
“Kuburikidza nechibharo, munhu anogona kutapurirwa utachiona hweHIV nekuti vazhinji vanoita izvi havashandisi dziviriro yemakondomu nemazvo sezvo zvinenge zviine chisimba mukati,” vakadaro Mai Masiyiwa.

“Madzimai nevanasikana vari panyatwa yekubatwa chibharo, zvikuru nevanhu vanenge vari pedyo navo . . .

Share This:

Sponsored Links