– Bumbiro idzva redzidzo –

22 Jun, 2018 - 00:06 0 Views

Kwayedza

Vavariro yetatu yedzidzo itsva

naChiremba

VAVARIRO yedzidzo itsva yetatu ndeye kusima chidokwadokwa chekuti mudzidzi azoramba achida kuenderera mberi nedzidzo kana dai apedza chikoro chevadiki.

Dzidzo itsva iyi inotenda kuti upenyu hwevanhu hunoramba huchisanduka zuva nezuva. Zvatinodya zvinosanduka, zvekupfeka zvinochinja, ruzivo runowedzera, nyangwe tsika dzedu inongove shandukuminya.

Nokudaro zviri pachena semburwa yapamhino kuti muupenyu hwanhasi munhu akasaramba achidzidza anosara shure segotsi.

Ari kuchikoro, mudzidzi anodzidziswa kufunda oga pasina mudzidzisi kana kuti mudzidzisi achibatsira pano nepapo. Panopedza mudzidzi dzidzo itsva iyi, anofanirwa kunge oziva zvekuita kuti awane ruzivo ari oga kana dai pasina mudzidzisi.

Mudzidzi anokwanisa kutsvaga ruzivo paindaneti achishandisa foni kana kombiyuta yake. Apa hapadi mudzidzisi, panongoda kuti mwana agone kushandisa foni kana kombiyuta kutsvaga zvaanoda paindaneti. Paindaneti panowanikwa gungwa rezivo yezvinhu zvakasiyana siyana zvingadiwe nemunhu muupenyu.

Dzidzo itsva yakambambashirawo e-learning. Ichi chirongwa cheita-woga-ndima-yako. Apa zvidzidzo zvakagadzirwa nenyanzvi zvinenge zvakaiswa pamadisk kana mukombiyuta zviine mibvunzo yenzwisiso nemhinduro dzinotarisirwa zvekuti mudzidzi anofunda oga nenguva yaanoda pasina fofafofa yekasika-kupedza-tiende inoitwa muzvikoro.

Mudzidzi anozvimakira basa raanenge anzi aite, uye kana akatadza anodzokorora paanodira nekutarisa mhinduro dzaanotarisirwa kupa. Akanga ave neruzivo rwekudzidza oga, mudzidzi anogona kudzidza madhigirii online ave kumba kwake nguva dzemanheru asi masikati achiswera achiita zvake zvekuzviriritira.

Chinangwa chatiri kutaura nezvacho chinobatsira kuumba mudzidzi anofunga zvakakwana, zvakajeka, zvakadzika uye anokwanisa kugadzirisa zvinonetsa muupenyu kana kugadzira zvinhu zvinobatsira muupenyu hwedu. Semazuva ano, tave kunzwa kuti vana vokwanisa kugadzira marobhoti mumayunivhesiti edu, chinhu chaisafungirwa kugadzirwa neverudzi rwedu.

Kana dzidzo ikaburitsa vana vazhinji vane unyanzvi hwakadai, chaipa chii?

Nyika inenge yotosimukaka! Tinenge tatove kumberi!

Muchikamu chinotevera tichatarisa vavariro yedzidzo itsva yechina.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey