– bumbiro idzva redzidzo – Vavariro yekutanga yedzidzo itsva

08 Jun, 2018 - 00:06 0 Views

Kwayedza

naChiremba
HWARO hwedzidzo itsva hune vavariro shanu dzinoita kuti panopedza mudzidzi dzidzo yake azobude ari munhu akachangamuka, ane ruzivo uye anobva angoonekwa kuti mwana wevhu. Vavariro yekutanga inokurudzira kuti mudzidzi ayemure, ade, aremekedze uye adade neZimbabwe.

Kutanga, mudzidzi anofanirwa kuzopedza dzidzo yake ava nechido chikuru chenyika yeZimbabwe, uye kuzvipira kuita chose chinofanira kuitwa kuti ugaro hwenyika ino huve muchechetere.

Chepiri, mudzidzi anofanirwa kubuda ave neruzivo ruzhinji rwenhaka yenyika yedu. Panhaka apa panosanganisira kuziva midziyo, zvivakwa, uye zviumbwa zvatakasiirwa nemukare wedu tichizvibatanidza nezvatichasiirawo vana nevazukuru vedu.

Pamusoro pezvo, panhaka pane pfungwa yekuzivawo nhoroondo yenyika yedu kubvira pakasimuka vakuru vedu Guruuswa uko vachiuya kuzogara muno nemunyika dzakatitenderedza, kusvika nguva dzavana Munhumutapa, kuuya kwevarungu, hondo dzeChimurenga, kuuya kweZimbabwe kusvika patiri nhasi.

Chetatu, mudzidzi anofanirwa kubuda muchikoro ave nepfungwa yave kukwanisa kugarisana nevamwe zvakanaka zvisinei kuti vanhu vaagere navo vakasiyana naye ruvara rweganda here, rudzi rwevhudzi, mutupo, tsika, chinamato, kwakabviwa, kana mumwewo mutsauko. Izvi zvinobudirira chete kuburikidza nekupa mudzidzi mukana wekudzidza tsika nemagariro evamwe vanhu.

Apa mudzidzi anenge achifunda dzimbo, nhetembo, zvirukwa nezvivezwa, zvipfeko, mitambo, mapiro uye zvinodyiwa nevatorwa ava.

Chechina, mudzidzi anenge anwa musvisvi wedzidzo iyi anofanirwa kunge ave munhu anozviremekedza, anozvikoshesa nekukoshesawo vamwe. Kuzviremekedza kunoreva zvizhinji zvakaita sekuti mudzidzi anenge asingatendere kuti muviri wake ubate mabasa akasvipa kana anoshoresa.

Chekupedzisira mudzidzi anofanirwa kunge adzidza kupa pfungwa dzake kune vamwe zviri pachena asinganyari kana kuhwanda. Pamusoro pazvo mudzidzi anofanirwa kudzidza kutambira pfungwa dzevamwe dzakasiyana nedzake uye kuve netariro yakajeka yeupenyu.

Zvese zvinodzidzwa nemudzidzi zvinofanirwa kunge zvakarukana netsika nemagariro emuZimbabwe. Kana tabura mudzidzi akadai muchikoro, chekutaura chinozobvepi?
Muchikamu chinotevera tichatarisa vavariro yepiri yedzidzo itsva iyi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>