Bumbiro idzva redzidzo: Zvidzidzo zveJunior School

05 Oct, 2018 - 00:10 0 Views

Kwayedza

naChiremba

VAVARIRO yedzidzo yeJunior School kuwaridza hwaro hwakakwana, hwakasimba hwedzidzo yose inenge ichazodzidzwa nemwana. Hwaro uhu hunosanganisira unyanzvi hwekuverenga, kunyora, kushandisa nekuziva masvomhu, kushandisa michina yakaita semakarikureta nemakombiyuta uye kusevenzesa maoko avo zvakakwana.

Mitambo inovaraidza nekurodza pfungwa inowanikwa pamichina yenhumirashoko iyi inofanirwa kukurudzirwa pazera iri.

Vadzidzi vanofanirwawo kuyemura kukosha kwenyaya dzeHIV/AIDS, shanduko yemamirire ekunze, njodzi dzakatsaukana dzasosa upenyu hwevanhu mazuva ano, kushandisa zviwanikwa zvatakapihwa naMwari neungwaru uku vakatarisana nekuti mune ramangwana vanhu vachazorarama sei kana vakasachengetedza pfuma iyi.

Vadzidzi vanofanirawo kuziva midziyo yakatsaukana yakabata chivanhu netsika dzavo. Izvi zvinoreva kuti vana vanofanirwa kuyemura uye kukoshesa nhaka yenyika yavo uye tsika nemagariro avo kuburikidza nemitambo yesimbisamuviri.

Zvinodzidzwa zvizhinji zveJunior School zvakafanana nezveInfant School kunze kwezvishomanana. MuJunior School zvidzidzo zveNhamba neSainzi zvinenge zvapatsanurwa zvave kuti Nhamba padzo dzoga Sainzi kwayo yoga.

Zvinodzidzwa muFamily and Heritage Studies muInfant School zvinenge zvapatsanurwazve zvave kuti zvidzidzwa zvemhuri (Famiy, Religion and Moral Education) [Fareme] zvava zvoga ukuwo zvenhaka yedu nemabasa (Heritage and Life Skills Orientation Programme – Social Studies) zvavewo zvoga. Chimwe chidzidzwa chinotangira mugiredhi retatu ndechekudzidza kurima nekuchengeta zvipfuyo (Agriculture).

KuJunior School zvidzidzwa zvainzi P.E. neMass Displays kuInfant School zvinobatanidzwa kuita chimwe chete chinonzi P.E., Sport neMass Displays. Zvidzidzo zverurimi rwaamai, rweChiRungu uye Information Communication Technology (I.C.T.) zvinoramba zvakangomira choga choga. Mutsauko unenge wavepo chete ndewekuti pane zvinodzidziswa zvacho gejo rinenge radzikiswa vhiri.

. Muchikamu chinotevera tichatarisa zvinodzidzwa kuzvikoro zvesekondari.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>