Bumha renyuchi pamba!

20 May, 2016 - 00:05 0 Views

Kwayedza

SVONDO rapfuura pandakanyora nezveshasha yetsiva Charles Manyuchi handina kuziva kuti ndiri kukoka nyuchi mhenyu chaidzo kumba kwangu.

Ndakanyora ndichiti ndinofunga kuti chizvarwa chokuRussia Dmitry Mikhaylenko achipihwa zvamatsenga nzungu akaimba: “Nyuchi’dzo, ahe-e dzandiruma; nyuchi’dzo, ahe-e dzandiruma! Dzati apa dzandiruma, napapa, dzandiruma!”

Ahiwe-e, seka urema wafa.

Musi woMuvhuro dai makandiona nemhuri yese tiri bata-bata, maiseka, nokunzwa tsitsi. Mifanidzo inoperekedza chinyorwa inotaura zvakange zvativinga.

Mufananidzo wokutanga unoratidza bumha renyuchi randakasvika riri patinotandarira. Zvaityisa kutarisa, asi moyo uchiteramawo kuti hapana akange arumwa.

Nzvimbo yakange yakaungana nyuchi idzi yakange yakaipa nokuti dai dzakawana mukana wokupinda mumba vanhu vairumwa zvakaipisisa.

Sezvo iri nzvimbo iri pedyo nomugwagwa unofamba navazhinji, ruzhinji rwakange rwuri panjodzi zvakare, kusanganisira vavakidzani.

Ndakabvunza kuti dzabva nokupi, uye dzichitsvagei, imwe pfungwa ichiti pamwe dzakwezvwa nemaruva, asi huwandu hwadzo, kwete-e!

Ndakazoudzwa kuti dzinogona kunge dzakabva kumukoko, dzadzingwa namambokadzi womukoko iwoyo (queen bee) achiti tawandisa, vamwe ngavabude.

Zvanzi padzinenge dzichibhururuka muchidzinzwa dzichinge dziri kuimba madrones (vamungere) nedzimwe dzinenge dzinonzi vashandi (nyuchi hadzi), dzinenge dziri kutogadza mambokadzi (queen bee) vamwe, nokuti mukoko mumwe namumwe una mambokadzi vawo.

Dai pasina kuzowana rubatsiro nokukurumidza, zvinonzi navamwe dzaitoita mukoko wadzo mumumvuri ipapo, queen bee vanove ndivo vega vanokandira mazai, dai vototanga kukandira, dzoramba dzichiwanda.

Ndakatodzidza zvakawanda: Queen bee inorarama kwamakore mana kusvika matanhatu. Asi dzimwe (drones, workers) dzinorarama kwamazuva 40 chete.

Vashandi ndivo vanotsvaga chikafu chinodyiwa naqueen bee kubva kumaruva.

Vashandi ndivo zvakare vanozogadzira uchi.

Nyuchi idzi dzakazourawa navana mazvikokota vekanzuru yeHarare, asi zvinonzi panguva zhinji dzinourayana. Kana queen bee vakangofuridzira kamweya kokuti vawandisa, vashandi vanotanga kuruma madrones, ivo vachifawo nokuti kahorera kana kangobva, panenge pasisina upenyu.

Vashandi veDepartment of Health reHarare City Council vakabata basa guru kwazvo. Vakauya, kunyange kwakange kwadoka. Kuti vakwanise kudziuraya, vakati magetsi ese, panze nemumba adzimwe.

Vakatora nguva yakati kuti, nokuti dzimwe dzakange dzatonoita mamwe mabumha mune dzimwe nzvimbo dzakakomberdza imba yose. Asi mushonga wakadzikurira.

Kurara vanhu vakarara asi kutsi kwomoyo munhu aingofunga kuti achanzwa ave kurumwa, asi hazvina kuitika.

Vanhu vakauraya nyuchi idzi vakati zvakabatsira ndezvokuti kunyange dzakauya masikati, kachando kaiveko kakabatsira. Vakataurawo kuti vanowanzouraya nyuchi manheru nokuti masikati dzine ukasha.

Vave kutaura njodzi yaigona kuwirwa navanhu nebumha renyuchi dzavakauraya vakati, “Rombo rakanaka, nokuti dai dzairara dziripo, ramangwana acho dzaigona kuruma munhu akafa.”

Vakataurawo kuti vari kudeedzwa zvakanyanya kunzvimbo dzine nyuchi kusanganisira mudzimba.

Mubvunzo: Vanhu vari kuchengeta nyuchi dzouchi zvisina chengetedzo yakanaka, uyewo zvisingazivikanwe nomurao here?

Share This:

Sponsored Links