Uncategorized

‘Businessman Akandipa $100 Yekuponda Kamwana (14)’

11 May, 2018 - 00:05 0 Views
‘Businessman  Akandipa $100  Yekuponda  Kamwana (14)’ Jacob Muranganwa

Kwayedza

Nyore Madzianike ari kwaMUTARE
MURUME wekuHonde Valley —uyo ari kunetswa nemweya yengozi yevanhu vaakauraya, ndokuvachekeresa achishanda nevamwe vake 11 — ava kureurura mapondero avakaita vanhu ava, ndokuvabvisa nhengo dzemuviri yavo idzo vakatengesera vanamuzvinabhizimisi vana vemunharaunda.

Pamwe pacho anoti nevamwe vake vakabhadharwa $100 pamunhu kuti vaponde mwana wechikoro.

Jacob Muranganwa (47) wemubhuku raChipupuri, kwaMutasa, ari kureurura kuti mumwe wemhondi dzakauraya vanhu kuHonde Valley ndokuvachekeresa.

Jacob anoti mumwe wevanhu vavakaponda nevamwe vake 11 ndiNoah Sadock Muranganwa (14), uyo wavakauraya munaChivabvu 2011 apo aibva kuchikoro.

Sadock aive mwana kuna Jacob.

VaJames Muranganwa

Jacob anodura mazita evamwe vechikwata chake uye navanamuzvinabhizimisi vana vakatenga nhengo dzemutumbi waSadock.

“Tainwa doro panzvimbo yeMakunike Business Centre apo vanamuzvinhabhizimisi vana vakasvika pataive vachiti vanoda vanhu vanoponda munhukadzi, vocheka nhengo dzemuviri wake. Ini nevamwe vangu tikabvumirana nezvavaida,” anodaro Jacob.

Anoti mumwe nemumwe wavo akavimbiswa $100 “pabasa iri”.

Anoti musi wa20 Chivabvu 2011, Sadock akadzoswa kuchikoro nenyaya yekusabhadharirwa fizi apo akabva asangana nemumwe wanamuzvinhabhizimisi ava ari munzira kuenda kumba. “Muzvinhabhizimisi uyu akamuvimbisa kumubhadharira mari yechikoro ndokubva amuti aende naye kuchigayo chake. Ari pachigayo apa, muzvinhabhizimisi uyu akamupa sadza nehove.

“Sadza iri raive rakaiswa mapiritsi eMaragada. Mukomana uyu akabva abatwa nehope dzemadzikirira uye takabva tashevedzwa nechimbi-chimbi kuti timuponde,” anodaro.

Sabhuku Munyuku

Jacob anoti mumwe wechikwata chavo akarova mukomana uyu nesando mumusoro apo aive akakotsira.

“Vanamuzvinhabhizimisi vana ava vakagovana nhengo dzemuviri wake – mumwe akatora rurimi neropa, mumwe huropi neropa, mumwe akatora mazino neropa, wechina ndokuenda nesikarudzi yemwana uyu. Takazotora mutumbi wake tikauisa muchipepa chepurasitiki ndokuundonyera mufiriji muchitoro chemumwe wanamuzvinhabhizimisi ava.”

Jacob anoti vakachengeta mutumbi uyu murifiji iyi kwemazuva mana vasati vatanga kuita mhiko dzavo panguva yehusiku. Anoti vose vechikwata chavo vakazoudzwa kuti vabvise hembe, votakura mutumbi wemwana uyu vanousungirira pamba pevabereki vake husiku izvo vakabvuma kuita.

Anotizve iye ndiye akapihwa basa rekusungirira mutumbi uyu mumuti pavakasvika kumba kwevabereki vemwana uyu. “Mutumbi waSadock wakazoonekwa wakarembera mumuti muzuva remangwana apo mapurisa akazoshevedzwa. Ndakanzi zvakare ndisunungure mutumbi uyu kubva mumuti mawaive wakasungirirwa.

“Mutirauzi wake wakatanga kudonha zvisinganzwisike asi ndakabva ndachimbidza kuudzosera pakare kuitira kuvhara nhengo dzemuviri wake dzakange dzabviswa,” anodaro.

Kureurura kwaJacob kuri kuuya panguva iyo kusati kwapera mazuva maviri mutumbi wemumwe murume anongozivikanwa saMagwindiri munharaunda iyi wakawanikwa usina dzimwe nhengo dzemuviri.

Mutumbi waMangwindiri wakawanikwa uri kumahombekombe erwizi Honde.

Sabhuku Chupupuri, VaJonah Duri, vanoti vari kushushikana zvikuru nekupondwa kwevanhu munharaunda yavo vachichekereswa.

Vanoti mapurisa nevamwe vanoona nezvekuchengetedzwa kwemutemo vanofanira kutora matanho nekukasika ekupedza nyaya dzehumhondi idzi.

“Chiri kunyanyonetsa ndechekuti hapana ati asungwa zvisinei kuti mapurisa akaziviswa nezvenyaya iyi. Murume uyu (Jacob) ari kureurura achitaura zvakaitika asi hapana zvati zvaitwa nemapurisa. Mambo Mutasa vakaudzwawo nezvenyaya iyi asi hapana zvati zvaitwa zvakare.

“Iri kuramba ichingopfuudzwa mberi ndosaka vanhu vari kuramba vachingopondwa munzvimbo yangu,” anodaro sabhuku uyu.

Sabhuku Munyuku, avo vakatanga kuziviswa nezvenyaya iyi, vanoti vanoshushikanawo zvikuru nemabatirwo ari kuitwa nyaya dzehumhondi nemapurisa munharaunda yavo.

Vanotizve vanhu vemubhuku ravo vava kugara vakabatira hana mumawoko. “Ndinofunga kuti pane ari kurara pabasa. Mapurisa anofanira kunge akatora matanho panyaya iyi, kunyanya apo mumwe ari kureurura kuti aitungamirira mukupondwa kwevanhu. Ari kutaura zvakaitika, izvo zvinogona kushandiswa mukuferefetwa kwedzimwe nyaya,” vanodaro.

Baba vaSadock, VaJames Muranganwa, vanoti vanotarisira kufukunurwa kwemapfupa emwana wavo kuitira kuti agovigwa zvine chiremerera.

“Taifunga kuti mwana wedu akazvisungirira asi mushure mekureurura uku, ndiri kutarisira kuti tichafukunura marangwanda ake tomuviga zvine chiremerera. Tiri kushushikanawo kuti sei pasina ati asungwa zvichitevera kureurura kwemurume uyu,” vanodaro.

Mutevedzeri wemutauriri wemapurisa eZimbabwe Republic Police kudunhu reManicaland, Assistant Inspector Luxson Chananda, anoti nyaya iyi yakasvika kwavari nemusi weChipiri svondo rino.

“Ichokwadi, pane akauya achitsutsumwa pamusoro penyaya iyi nezuro (Chipiri). Asi isu semapurisa, hatigone kusunga munhu nekuda kwezvinotaurwa nemasvikiro kana kuti nemweya. Zvisinei, tichaongorora kuti nyaya iyi yakamira sei,” vanodaro Asst Insp Chananda.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey