Uncategorized

‘businessman’ obviswa pamukadzi nezvidhoma. . . achibvutirwa sadza

06 Apr, 2018 - 00:04 0 Views
‘businessman’ obviswa pamukadzi nezvidhoma. . . achibvutirwa sadza Tafadzwa Mukanda

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MURUME ane chitoro paChakanyemba Business Centre, kwaBerejena, kwaMusana, anoti ari kufuswa pamudzimai wake kana voda kudanana muimba yekurara apo anobviswa paari, okandwa kure naye nezvinhu zvaasingaone.

Sezvinonzi izvi zvishoma, VaTafadzwa Mukanda (35) — avo vanogara mubhuku raSamvura Motsi — vanoti vanopotsa vaziya nenzara sezvo vachibvutirwa chikafu mumawoko nekumuromo nezvinhu izvi — “ndotorara kana kuswera nayo nzara”.

Muzvinabhizimisi uyu anoti dambudziko iri rakatanga mumwedzi waKurume 2017.

Pamusoro peizvi, vanoti zvinhu zvavanotengesa muchitoro chavo zvinongotorwa nezvinhu zvisingaonekwe, chitoro chosara changoshama chisisina chinhu. Dzimwe nguva inotorwa iri mari.

VaMukanda — avo vari kurenda chitoro chekwaMushawatu — vanoti vanobvutirwa chikafu mundiro nemumakapu, mumawoko kana kuchi chava pamuromo izvo zvinoita kuti nguva zhinji vagare nenzara.

“Nguva zhinji ndinogara nenzara, ndinobvutirwa ndiro ndichangotanga kudya — dzimwe nguva ndichangoitambidzwa navadzimai. Ndiro yandinenge ndatorerwa iyoyo inobva yashaika zvachose.

“Pane dzimwe nguva mudzimai wangu ndiye anobvutirwa apo anonditambidza chikafu,” vanodaro VaMukanda.

Lindiwe Bhobho

Vanoti zvinhu izvi — izvo zvavanofungidzira kuti zvidhoma kana kuti zvikwambo — zvinobvuta kudya masikati kana husiku.

“Ndikabvutirwa chikafu, ndinogara nenzara ndozomboedza kudya chibage chingava chinyoro kana mhandire, izvo ndisingatorerwe. Ndizvo zvava kutondiraramisa mazuva ano.

“Zvinhu izvi hazvidi kuona sadza nekumwe kudya kwakaita semupunga kana mbatatisi nemuriwo kana nyama — zvinobvuta nekukasika,” vanodaro VaMukanda.

Dzimwe nguva, vanodaro VaMukanda, vanoroverwa kapu ine svutugadzike yatova pamuromo. Izvi zvinoitikawo nezvimwe zvinwiwa.

“Handizive kuti ndorarama sei, ndatambura ini. Hazvidi kuti ndidye asi kuti ndigare nenzara. Iye zvino ndawonda nekuda kwedambudziko iri.”

VaMukanda vanoti pavanobvutirwa chikafu, vanobva vanzwa kushaya dzekuda kudya uye vanogona kuita zuva rose vakadaro vachiita sevakaguta ivo vasina kubvira vambodya.

Pakugeza, VaMukanda vanoti vanobvutirwa matombo, sipo nematawuru ekugezesa.

“Ndinobviswa pamudzimai wangu kana toda kusasana, ndokandwa kure nechinhu chandisingaone. Pamwe pacho ndinonzwa izwi richiti, ‘Rega zvaunoda kuita izvo, tanga waita zvandakakutaurira. Ndini Thokozile Mukanda.’ Zita iri nderatete vangu vakashaika kare.”

Muzvinabhizimisi uyu anoti haazive chaakatadza kuti azotambudzwa zvakadai.

“Dambudziko iri riri kuomesera ini nekuti handichakwanisa kusununguka nemudzimai wangu, kunyangwe ndikanzwa kumuda. Zvakare, izvi zvasiya mukadzi wangu ari panyatwa — achiri wechidiki uyo anodawo kudiwa nemurume sevamwe madzimai. Dai aiva mumwe asingade musha wake angadai akatiza kare,” vanodaro VaMukanda.

Murume uyu anoti anoona tete vake vakafa ava vachiuya kwaari akasvinura, vomuudza kuti vakafa nekupondwa uye kuti kune mumwe wemudzinza ravo ari kushandisa nhengo dzavo kuita zvemishonga.

“Tete ava ndinovaona vachiuya ndakasvinura kana kuti ndichirota vachiti vakapondwa ‘saka ndinoda kuti iwe uburitse chokwadi kuvanhu, ndiri kushandiswa pakuita hun’anga’.

“Vanotizve vakaiswa mubako umo vanogariswa munoitirwa mhiko dzehun’anga uhwu.”

VaMukanda vanoti tete vavo mushakabvu ava vanovaudza zita remunhu ari kuvashandisa uyo wavanoti ihama.

“Tete ava ndinovaona kunyangwe ndichifamba, votanga kutaura neni vari nekure. Vari kunditi vari kutumwa kunzi vauraye vamwe vanhu mumhuri yedu izvo vanoti vari kuramba.

“Vari kunditizve ndifambe kuti nyaya iyi igadzirwe asi dambudziko hapana vakuru kumberi kwedu, ndangosara ini ndoga. Vamwe vakuru vandinoti baba nevamwe vari kurasika pfungwa nekuda kwenyaya iyi vakatetereka, hatizive kwavari uyewo mumwe mwana watete vedu ari kurwarawo nepfungwa,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti, “Ndikahodha zvinhu zvemuchitoro ndinozvishaya uyewo mari inongotsakatika asi chinoitora hatichione. Ndichaguma ndave kudya nhoko dzezvironda nekuda kwezviri kuitika kwandiri izvi.”

Anoti pane dzimwe nguva dzekuti akada kuita bonde nemudzimai wake, anobva atanga kutemwa nemusoro zvekutadza kutaura kana kusvinura achishaya simba. Izvi zvikasaitika, anoita zvekuraswa pamukadzi wake okandwa kure naye.

“Chave kunyanya kundityisa ndechekuti tete ava vari kunditi ndikatadza kuita zvavari kuda, vachaona zvekuita neni. Zvino handizive kuti ndezvipi zvacho.”

Lindiwe Bhobho (19), anova mudzimai waVaMukanda, anotsinhira nyaya iyi.

“Ini nemwana hatina dambudziko, dzimwe nguva chekudya chinobvutwa ndave kuda kuvatambidza kana kuti vanozobvutirwa vatogeza mawoko kuti vadye. Hazvina mhosva kuti isadza rine muriwo wakadii, svutugadzike vanorohwa iri kumuromo kana zvinwiwa, chingwa vachitorerwa,” anodaro.

Mudzimai uyu anoti nyaya yekuti murume wake anobviswa pedyo naye panguva yavanenge voda kusasana ndiyo yave kumushaisa kodzero dzake dzekudiwa nemurume.

Bhobho anotizve dzimwe nguva midziyo inenge yabvutwa iine chekudya vanozoiwana yakakandwa kugomba remarara.

“Taona nhamo nekutenga ndiro, makapu nezvipunu izvo zvinotorwa,” anodaro Bhobho.

Muzvinabhizimisi uyu akashaikirwa nevabereki vose, vangosara vari vana vatatu — vakomana vaviri nemusikana mumwe chete — uye uye iy ndiye oga ane dambudziko iri.

Mbuya Elizabeth Chatima (86) vanova ambuya vaVaMukanda, vanoti vamboedza kufamba nekuda kwedambudziko iri asi hapana chiri kugadzirika.

“Pamwe pacho sadza nekumwe kudya kwaanotorerwa tinozowana zvava musango kure nemusha zvakaunganidzwa, zvose nesadza racho riripo,” vanodaro.

Mbuya Chatima vanoti kune n’anga nemaporofita vakawanda vauya vachiti vanozvigona asi vozozvitadza.

Mai Kwanisai Chidziva (59), avo vanovawo muzvinabhizimisi panzvimbo iyi, vanotsinhira dambudziko rine murume uyu vachiti havana kumbobvira vakamboona mashura akadai mukurarama kwavo.  “Vanouya kwandiri nemudzimai wavo vachitaura kuti anotorerwa kudya mumawoko nepamuromo kureva kuti zvinhu izvi zvinoda kuti afe nenzara. Anotiwo anotorerwa sipo achigeza, otoishaya zvachose. Dai abatsirwa zvinhu zvake zvafamba.

“Bhizimisi rake rabhuroka, zvinhu zvinotorwa zvose nemari,” vanodaro.

Votaura pamusoro pemashiripiti aya, Sekuru Elisha Mutanga vesangano reZinatha, vanoti mumhuri iyi mune akaromba kana kuti mune ngozi.

“Mhuri iyi ngaifambe, pane akaromba kana kuti mune ngozi yemunhu anoda kuripwa. Kana kutiwo mudzimai wemurume uyu akaroodzwa kungozi, asi kazhinji inyaya dzemishonga yekuda kupfuma dzinodariso,” vanodaro Sekuru Mutanga.

Kune vanoda kubatsira mhuri iyi vanoridza nhare dzinoti 0775 405 403.

Share This:

Sponsored Links