Buz yosimudzira tsiva

31 Jul, 2014 - 07:07 0 Views
Buz yosimudzira tsiva

Kwayedza

SANGANO idzva retsiva reBoxers Union of Zimbabwe iro rakavambwa nguva pfupi yadarika rinoti chinangwa charo chikuru ndechekusimudzira vatambi vetsiva sezvo vazhinji vavo vari kudya nhoko dzezvironda.
Sangano iri rinotungamirirwa naIssa Phiri uyo akagadzwa kuve sachigaro uye rakanyorera kubazi rezvemitambo, tsika nemagariro richizivisa kuti rinoda kusimudzira mutambo wetsiva munyika ino. Parizvino BUZ yakamirira kunzwa kubva kuhurumende kuti voenderera mberi here nechinangwa chavo.

Muhurukuro naPhiri anoti vane chishuwo chekusimudzira mutambo uyu nekuti muZimbabwe makabuda vatambi vetsiva vazhinji vakaita mukumbira muno pamwe nekunze vakaita saLangton ‘School boy’ Tinago uyo akahwina bhande reCommonwealth katatu pamwe naAlfonso Zvenyika asi Havana chekurakidza chakawana kubva mumutambo uyu.

“Takanyorera kubazi rezvemitambo, tsika nemagariro tichikumbira mvumo yekuti titange kushanda seBoxers Union of Zimbabwe.

“Tiri kuda chaizvo kuti titange kuita basa redu rekubatsira vatambi vazhinji vetsiva.

“Mukaona hupenyu hunoraramwa nevatambi vazhinji vetsiva vemunyika yedu munonzwa tsitsi saka isu tinoda kuvabatsira vave neramangwana rakajeka,” akadaro Phiri.

Akawedzera kuti BUZ haipo pakukwikwidzana nemamwe masangano asi kuti ichange ichibatana nawo mukusimudzira mutambo uyu.

“Ibasa redu tese kuti tivake mutambo uyu tisimudzire vatambi vetsiva ava nekuti kunze uko kavanonokwikwidza vanenge vachisimudzira mureza wenyika yedu tese,” akadaro Phiri.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>