Bvunzo dzasvika

23 Sep, 2016 - 00:09 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga

MUVHIKI rinopera na23 Gunyana 2016 ndimo chaimo munodudza zvechokwadi kuti tava kusvika kwamvura yacheka makumbo. Kwava kuenda nhete nekuti hobvu dzokonwa-konwa nemanda, vamwe voda kukodzera mombe pamariketi zvinova zvisingashande.

Musi wa4 Gumiguru 1026 kubva Zambezi kusvika Limpopo, muZimabwe yose vana vanenge vakati kotakota vachipishona nebvunzo. Hakuna anenge achabvunza mumwe asi kuti unenge wozvionera woga nekuti nguva yacho inenge yoda kuzvionera woga setsuro yezuva rovira.

Zvino ndaona zvakakodzera kuti tichibatisana gadziriro yekupedzisira inozotipa pundutso pakupera kwegore patinounganidza goho redu.

Muvhiki rinotevera iro mwana chitarisisa pacho pakasaririra uchinyatsosakura nekubva wazunza. Apa ndiri kutaura muzvidzidzo zvako zvose. Kana uchiziva kuti svomhu ndidzo dzinokupinza pakaoma, chidzipa nguva kudarika zvimwe zvidzidzo mukuita dzokorodzo yako.

Usanyara kubvunza pausiri kunzwisisa kana pane zvinokunetsa. Chibva watora mukana iwoyu kugadzira boka redzokorodzo neshamwari dzakarongeka dzinoda chikoro. Ukatorana nanaTumbwi vanoda kutamba chete inofa kwako.

Kuchidzidzo chedu cheShona, zvakanaka kuti ungwarira zvinotevera. Rangarira kuti chiShona chinonyorwa mapepa maviri ayo anoda mwana akagadzirira.

Bepa rokutanga, iro riri kunyorwa musi wa7 Gumiguru, rinotarisa kuverenga nemutauro. Kuverenga kunodiwa apo unofanirwa kupindura mibvunzo yenzwisiso nemazvo.

Vanopa mibvunzo yose yenzwisiso havana kupata zvekuti vanopa mhinduro dziri pachena asi kuti vanogona kupa mhinduro dzakada kufanana kuti iwe uburitse hunyanzvi hwako. Nekudaro verenga ndima unzwisise.

Kana nzwisiso yapera kunopinda zvakawanda zvemutauro nekudaro gadzirira twose-twose twakanangana nemutauro. Panouya mazita anopihwa vanhu maerera nezvavari kana nezvavanoita. Panogona kubvunzwa kuti munhu anobatsira n’anga mumabasa ayo anonzi ani? Kana kuti n’anga hadzi inonzi chii? Nokudaro unofanirwa kuita dzokorodzo yakakwana nevanhu nemabasa avo. Ariko magwaro anotibatsira kuita zvose izvi.

Unoda zvakare kuti uzive zvinhu nehuwandu hwazvo sekuti zvipikiri zvakawanda zvinonzi dzakatsaka rezvipikiri. Uwandu hwamadora kana nhongotowa hunonzi gwamba kana kuti shiri dzakawanda dziri pamwe chete dzinonzi zaza.

Zvoreva kuti unofanirwa kudzika zvakadzama pamusoro pazvo nekuti hauzive kuti bvunzo rinouya rakadini.

Pamutauro tinosangana nezvakawanda kusanganisira zverudo chaizvo. Nehukama unofanira kugadzirira wakanangana naizvozvo nekuti unobvunzwa kunzi munhu anova amai kana baba vomuroora wako anonzi ani! Unofanirwa kugona kudaidza kuti mukurungai.

Rangarira zvakare kuti amai kana baba vemukuwasha ndimukurungai. Unofanirwa kuita dzokorodzo yakadzama kusvika pakuziva kuti mari inopihwa amai vomuroorwi zvichinzi mwana wavo iyeye ari kuroorwa aimbovapfura-pfura namakumbo achiri mudumbu inonzi mapfukudzadumbu.

Mukuita dzokorodzo yako tarisa zvakare zvemitupo namadzinza kuti ugoziva zvidao zvacho pamwe chete nemadzinza acho sezvandakambotaura kare. Hapana anoziva zviri mubvunzo, nekudaro tinofanirwa kuita dzokorodzo yakasimba chose. Tinobata zvakare nyaya yegadziriro muchikamu chinotevera.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey