Bvunzo itsva dzeO- neA-Level

0

Rumbidzai Muparutsa

VADZIDZI vanodarika 16 000 veO- neA-Level gore rino vachanyora mazamanishoni matsva pasi pechirongwa cheNew Curriculum ayo anosanganisira Physical Education, Sport neMass Diplays apo Hurumende ine chinangwa chekuti vana vabatsirike kuburikidza nekuita zvidzidzo zvinopa kugwinya kwemuviri nekusimudzira utano hwavo.

Zvidzidzo zvePhysical Education neMass Displays zvinotangira pagwaro reEarly Childhood Development kusvika A-Level.

New Curriculum ine zvimwe zvidzidzo zvinosanganisira Anatomy, Physiology, Nutrition, Biomechanics neUnhu/Ubuntu Philosophy.

Mugore ra2016, Hurumende yakavamba chirongwa cheNew Curriculum zvichitevera ongororo yakaitwa neNziramasanga Commission of Inquiry muna1999 iyo yakapa mazano ekuti fundo yemuZimbabwe inge ichivandudzwa kuitira kuti igobura vadzidzi vanobatsira mukusimudzira upfumi hwenyika.

Muhurukuro, gurukota redzidzo yepuraimari nesekondari, Professor Paul Mavima, vanoti Hurumende ichaumba bandiko reNational Centre for Education, Research, Innovation and Development kuitira kuti dzidzo yemuZimbabwe ifambirane neyepasi rose.

“Takatarisa zvinodiwa muZimbabwe kuti ive inokwikwidza panyaya dzevadzidzi vanoburwa pamusika wepasi rose uye nekuti nyika inge ichisimukira sezviri kuitawo dzimwe,” vanodaro.

“KuZimbabwe, kusimukira kwenyaya dzemitambo mucherechedzo wakanaka uyewo zvinobatsira mukubudirira kweupfumi hwenyika.

“Chimwe chinhu chikuru chinogona kuitika munyika kuti ikwanise kukwikwidza pasi rose munyaya dzezvemitambo kuitira kuti izivikanwe, panguva imwe chete zvichiita kuti vanhu vadade uyewo nekuda nyika yavo.”

Prof Mavima vanoti nyaya dzekufambiswa kwezvemitambo ndidzo dzimwe dzine mabasa ane mihoro mikuru pasi rose uye pane mukanawo wekuti vanhu vawane mabasa kubva mazviri.

Vanoti bazi ravo richaita chirongwa chekuti veruzhinji vave neruzivo rwakadzama pamusoro peNew Curriculum.

Dr Arthur Makanda, vanove director for Curriculum Development and Technical Services mubazi iri, vanoti mabhuku anodarika 8 000 achange ari pamusoro pemazamanishoni ePhysical Education, Sport neMass Displays gore rino.

“Izvi zvichabatsira mukusimudzira upfumi hwenyika kuburikidza nekubura mudzidzi anokwanisa kuzvimirira uyewo nekuunza mari yekunze apo shasha dzemitambo yakasiyana dzinenge dzave kuwana mabasa kunze kwenyika,” vanodaro.

Dr Makanda vanoti zvidzidzo izvi zvakauya panguva iyo pasi rose riri kushushikana nekuwanda kuri kuita vanhu vane miviri yakanyanya kukura, izvo zviri kukonzerwawo nekusaita mitambo inosimbisa miviri.

Hurumende iri kuvandudza nzvimbo dzekuitira mitambo muzvikoro zviri kumativi ose enyika kuitira kuti zvidzidzo zvemitambo zvibudirire.

Share.

About Author