Carrot inozvitengesa yoga

20 Jul, 2018 - 00:07 0 Views
Carrot inozvitengesa yoga

Kwayedza

Clemence Mucharedzeyi—

CHIRIMWA cheCarrot (Daucus Carota L.) chakabva nekumabvazuwa, kuAsia. Chinodirwa dzinde racho rinozikanwa nekuva nekudya kunodivikanwa nemuviri. Ine mavitamin A ayo akakosha mukuvaka muviri.

Mhando dzemaCarrot dzakasiyana siyana asi dzese dziine maVitamins A.

MaCarrots anonyanya kuda kurimwa munguva yechando, ndipo paanoita zvakanaka. Asiwo handipo pega patingati paanorimwa. Anogona kurimwa gore rese asi paanonyatsa kufarira ndiyo nguva yechando ine kudziya kushoma kungaita 15°C kusvika pa20°C

KuPrime Seed Co tine mhando dzinokwana pese pese kusvika gore riti dhuu kupera muchingorima carrots.

Ivhu ringashandiswe

MaCarrots anoda kurimirwa mune ivhu rakadzama, riine hujecha huri pakati nepakati. Izvi zvinoitirwa kuti anyatse kubuda zvakanaka aine dzinde rakatwasuka, uye rakareba. Ivhu rakaita hujecha rinodirwa pakukasika kurasa mvura kana richinga radiridzwa zvoita kuti carrot ifeme zvakanaka. Macarrots haadi ivhu rinonyanya kuvava kana kutapirisa. Saka kutapira kwevhu kunodiwa kungaita 6.5 pH.

Munda uchandobva kuiswa mutsakwani hauite nechikonzero chekuti macarrots acho anoita zvimvere nekusatotarisika zvakana.

Mhando dzeCarrots dziri kuPrime Seed Co:

Prime Seed Co ine mhando dzakati wandei dzemacarrots.

Hekla F1 imhando yakauchikwa zvine unyanzvi. Iyi carrot wakaitarisa inoita kunga pfumo yakareba. Inotapira chaizvo iine kamwoyo katete. Inoita mazuva makumi matanhatu kuti isvike. Inonyanya kufarirwa kumisika. Inoreba 11cm, iine ruvara rwakaita sezuva rava kunodoka. Inorema uye iine utano hunoidzivirira kuzvirwere.

Nantindo imhando yecarrots inogona kurimwa gore rese. Inopa goho repamusoro uye inoita mazuva makumi matanhatu kuti isvike. Nantindo yakanakira kuti ndeye kutengesa pamusika uye nekuendesa kumakambani anobika jamu.

Kuroda ndeimwe mhando yeCarrot yakauchikwa nemazvo. Iyi carrot inotapira. Ine kumusoro kwakapamhama yoenda ichitetepa, kuita sehoko. Wakawanda wanoishandisa mukugadzira sarade iyo yava inongodyiwa nguva zhinji.

Nantes iyi carrot inehuremu chaizvo kana ichinge yaibva. Inoreba kubva pa 17-20cm mwiri wayo wakada kuenzana yose. Kana dzadzurwa mumunda dzinonga dzakaenzana dzese dziine mizera yakafanana zvinoita kuti murimi asatambudzike pakudzitengesa. Mutengi ndiye anoshupika kutsara ngekuti dzese dzinonga dzakafanana.

Kugadzira munda:

Munda unoda kurimwa negejo zvakadzama se30cm, kwava kuchizotevera nehara inoputsa mavhinga. Izvi zvinoitirwa kuti carrot dzikure zvakanaka.

Kumwaya mbeu:

Panogadzirwa mihomba yoiswa mitsara. Macarrots anosimirwa mumihomba yaachazokurira pasina kuita zvekuparadzira nhondo. Mumitsara umu ndimo munodonhedzerwa mbeu. Nekutsonga kwadzo, tinokurudzira kusanganisa nejecha chikamu chimwe checarrot muzvikamu gumi zvejecha. Izvi zvinoita kuti pakumwaya dzisabatana zvakanyanya.

Fotereza inodiwa:

Fetereza ingashandiswa inonzi Compound D (14:28:14) zvichienderana nekuti ivhu renyu rakaongororwa kutapira kwaro here. Mavhiki mairi madyara, mochiisa AN kana Potassium Nitrate. Munoteverazve pavhiki rechitatu kusvika pavhiki rechitanhatu muchiisa mafetereza muzvidimbu pavhiki.

Pavhiki rechinomwe tinoisa fetereza yepamusoro yakawanda chivakashure sulphate. Kubva pavhiki yechinomwe kusvika pavhiki yechigumi tinoisa fetereza dzinotevera pavhiki; Magnesium Sulphate 14kg, Potassium Sulphate 50kg neCalcium.

Mava kuona kuti yava kuda kuibva, kwasara vhiki mbiri, munoisa Magnesium Sulphate 14kg neCalcium Sulphate 50kg/ha.

Matambudziko anosangana necarrot:

Macarrots anonyanya kubatwa nezvirwere zvezaza asi nekuti murimi washandisa mhando dzecarrot yekuPrime Seed Co, mbeu dzedu dzine utano hunoita kuti dzizvidzivirire kuzvirwere. Murimi anokirudzirwawo kumwaya mishonga nekumaira chirimwa chake nguva nenguva.

Kukohwa nekutengesa:

Pamazuva ekuti macarrots aibva, anorema zvekusvika nekupfuura 60 tonnes nekuti maHybrids ane uremu.

Musati makohwa munotanga mambodiridza, mozodzoka muchiadzura. Munodzigeza zvakapfavirira kuitira kuti dzisaita zvidzvanga, kwava kuchidziendesa kumusika.

 

Clemence Mucharedzeyi murimisi kuPrime Seed Co uye anobatika pa: 0718 409 761

 

Share This:

Sponsored Links