Cazorla haasi kuenda

15 Aug, 2014 - 00:08 0 Views
Cazorla haasi kuenda

Kwayedza

Sp4

Santo Cazorla

MUTAMBI weArsenal, Santi Cazorla, anoti haasi kuzobva kuchikwata ichi achidzokera kunotambira nhabvu yake kuSpain mwaka uno.Izvi zvinotevera mashoko ange achiburitswa nemapenhau ekuti Cazorla anoda kutengwa neshasha dzemuPrimera Division Atletico Madrid.

Asi mutambi uyu, uyo anove chizvarwa chekuSpain, anoti haana chaanoziva pamusoro penyaya iyi uye kuti inyaya dzinongonyorwa nemapepanhau dzisina chokwadi mukati.

Anoti chinhu chikuru chaari kufunga nezvacho kuhwina nemaGunners. Paakabvunzwa nezvekudiwa kwaari kuitwa neAtletico, Cazorla uyo ane makore 29 okuberekwa uye akanwisa svondo radarika apo Arsenal yakakunda Manchester City 3-0 mumutambo weFA Community Shield akati, “Ndakazviverenga mumapepanhau akawanda, asi hapana akambouya kwandiri achindiudza chinhu pamusoro pazvo uye zvandinongoziva ndakazviverenga mumapepanhau saka hapana chandinoziva,” akadaro.

“Ndiri kungofunga zvekutirena kuno bedzi pamwe nekutambira Arsenal. Inhau dzemumapepanhau chete. Ndiri kufara kuno uye ndinoremekedzwa nevanhu vese kuno pamwe nevatsigiri vedu saka ndinovimba kuti tichahwina mikombe yakawanda gore rino.”

Cazorla akatengwa neArsenal mugore ra2012 achibva kuMalaga uye akambotambira zvimwe zvikwata zvinoti Villarreal neRecreativo Huelva zvekuSpain. — MailOnline.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>