Cde Chinx vorangarirwa

28 Jul, 2017 - 00:07 0 Views
Cde Chinx vorangarirwa

Kwayedza

Abel Ndooka —
MWANAKOMANA wemukoma wemushakabvu anove gamba rehondo yeChimurenga – Cde Dickson ‘Chinx’ Chingaira – Norest Magede, anotsidza kuti achashanda nesimba kuti arambe achisimudzira mhanzi yavo.

Magede, uyo anozivikanwa nezita remadunhurirwa rekuti Mambo Makoni, mumwe wevaiimba naCde Chinx muchikwata chavo.

Zvichitevera kushaya kwaCde Chinx mwedzi wadarika, Mambo Makoni akabura dambarefu rake rinove rechipiri rinonzi ‘Kutonga ndekwaMwari (Tribute to Cde Chinx)’ iro anoti nderekurangarira Cde Chinx pamwe nekupemberera hupenyu hwavakararama.

“Cde Chinx raive gamba panyaya dzemhanzi uye kwandiri ini vaindigonera sezvo vakandibatsira chaizvo pakutanga kwangu kuimba. Handimbokanganwe rutsigiro rwavakandipa ndichitanga kuimba sezvo vakanditendera kuti ndipote ndichiimba dzimwe nziyo dzavo dzakavatsikisa kare,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti, “Ndinonzwa kurwadziwa ndikafunga nezvavo nekuti ndivo vakaita kuti ndipinde munyaya dzemhanzi, mumwoyo wangu mune ronda guru risingafe rakapora asi ndinoti zororai murugare.”

Anoti pakubika dambarefu rake iri akabatsirwa nevamwe vaimbi vanosanganisira Progress Chipfumo naWillom Tight.

Dambarefu iri rine nziyo dzinoti Kutonga ndekwaMwari, Mabvuku, Anything Anywhere, Kana Makohwa, Manhanga, Tsvingo Yedu, Kana uri nherera, Andikanganwe uye naMasiziva.

Maneja waMambo Makoni – Vincent Chingoriwo – anoti vacharamba vachisimudzira zita raCde Chinx kuburikidza nemhanzi.

“Tine zvakawanda zvatiri kuronga kuti tirambe tichisimudzira zita raCde Chinx, vaive gamba nababa vedu,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links