Cde Sally: Mudzimai wekutanga kuvigwa paNational Heroes Acre

31 Jul, 2014 - 08:07 0 Views
Cde Sally: Mudzimai wekutanga  kuvigwa paNational Heroes Acre

Kwayedza

MUNHUKADZI wekutanga kuvigwa kumarinda anochengetedzwa magamba enyika, eNational Heroes Acre, ndiCde Sally Mugabe, avo vaive mudzimai wemutungamiriri wenyika, President Mugabe.
Cde Sally vakashaya musi wa27 Ndira 1992 mushure mekurwara nechirwere cheitsvo ndokuvigwa paNational Heroes Acre musi wa1 Kukadzi.

Pavakaberekwa kunyika yeGhana mugore ra1931, Cde Sally vaidaidzwa nekuti Sarah Francesca Heyfron ndokudzidza pachikoro cheAchimota Secondary School vasati vadzidzira kuve murairidzi. Vakazosanga naPresident Mugabe paTakarodi Teacher Training College apo pavaidzidzisa vose. Cde Sally vakatsigira President Mugabe zvikuru panguva yehondo yerusununguko, kusanganisira panguva yavakagara muhusungwa nekuda kwenyaya dzematongerwo enyika.

Vakatsvaga rutsigiro zvakare rwekubatsira varwi vehondo, kunyanya kunyika dziri kumatunhu eScandinavia uko kwavaive neshamwari dzakawanda nevamwe vaivatsigira. Panguva imwe chete iyi, Cde Sally vakatungamirira mukurwira kodzero dzevanhukadzi mubato reZanu-PF. Izvi zvakaona vachisarudzwa kuve deputy secretary weWomen’s League pakaitwa musangano wekutanga weWomen’s Congress kuMozambique muna 1978.

Pakawana Zimbabwe kuzvitonga kuzere mugore ra1980, Cde Sally vakashanda nesimba mukurwira kodzero dzevanhukadzi pamwe nedzevana.

Muna1988, nerubatsiro rwakabva kuUnicef, Cde Sally vakavamba boka rekubatsira vana vanotambura, reChild Survival and Development Committee for Zimbabwe, iro rakaita kuti pasi rose rizive matambudziko aisangana nevana mudunhu reSouthern Africa. Izvi zvakazoita kuti pave nekuunganidzwa kwemari yakawanda  yekubatsira vana.

Muna1989, Cde Sally vakasarudzwa kuve munyori mukuru weZanu-PF Women’s League pamwe neWomen’s Affairs muPolitburo.

Rimwezve gamba remagamba rakaradzikwa paNational Heroes Acre ndiJohanna “Mama MaFuyana” Nkomo, avo vaive mudzimai wemutevedzeri wemutungamiriri wenyika, mushakabvu Dr Joshua Nkomo.

Mama MaFuyana vakashaya musi wa3 Chikumi 2003 mushure mekutambudzwa nemudumbu. Vakavigwa kumarinda eNational Heroes Acre musi wa7 Chikumi.

Mama MaFuyana vakaberekwa musi wa18 Gunyana 1927 kuMbembeswane (eMaphaneni) kuMatobo uye vaive wechipiri mumhuri yevana vatatu. Imba yavo yaiva yehumambo hwevaNguni.

Mama MaFuyana vakadzidza paSt. Joseph Primary School nepaEmphandeni vasati vaenda kunoshandira Domican Sisters kuBulawayo uko vaive matron wemuhositeri yevasikana kwemakore maviri. Panguva iyi, ndipo pavakasangana naDr Nkomo vakazoroorana mugore ra1949.

Vakatsigira Dr Nkomo zvikuru munguva yehondo yerusununguko uye izvi zvinoratidzwa nekuzvipira kwavakaita pasina kudzokera shure mukurera vana voga apo Dr Nkomo vakasungirwa nyaya dzematongerwo enyika.

Vakashungurudzwa nemabhunu nekuda kwerutsigiro rwavaipa kuna Dr Nkomo. Pane imwe nguva apo upenyu hwemhuri yavo hwakange hwave panjodzi nekuda kwekutsigira kwavaiita Dr Nkomo nemamwe magamba ehondo.

Mama MaFuyana vakambobuda munyika muno ndokuenda kuUnited Kingdom vakazopfuurira kuGerman, apo vaitsigira hondo yerusununguko rweZimbabwe.

Kusvika pakushaya kwavo, vaishanda nesimba kuti zvizvarwa zveZimbwbwe zvibatane nekusimudzira raramo yevana vanoshaya.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey