Celtic musha wangu: Rodgers

04 May, 2018 - 00:05 0 Views
Celtic musha wangu: Rodgers

Kwayedza

MANEJA weCeltic, Brendan Rodgers, anoti anoshuvira kuzoshanda muEnglish Premier League rimwe zuva asi kwete iye zvino.

Rodgers – uyo ari kunzi anodiwa neArsenal kuti azorairidze chikwata ichi uye achitsiva Arsene Wenger zvichitevera kubuda pachena kwaakaita kuti ari kubva kuchikwata ichi pachapera mwaka uno – anoti anoda kubhadhara rutsigiro rwaakapihwa nebhodhi reCeltic nekuramba achitungamira chikwata ichi kuenda kumberi.

Shasha iyi yasarirwa nemutambo mumwe chete kuti chikwata chake chihwine mukombe wechitatu wegore rino zvichitevera kukunda kwachakaita Rangers 5-0 ndokuhwina mukombe weLadbrokes Premiership Title.

Rodgers asarirwa nemakore matatu pakondirakiti yake uye akabuda pachena kuti haadi kushanda kumwe kunze kwekuCeltic.

Aimbove murairidzi weLiverpool uyu anoti, “Ndakamuka nemusi weMuvhuro kuno mangwanani ndiri maneja weCeltic, zvizivei kuti kuGlasgow kuno kunonakidza.

“Ndiri kurairidza chikwata chandinoda chikuru pasi rose. Ndinoda basa randiri kuita kuno.” – SportsMail Football

 

Share This:

Sponsored Links