Chakachaya kuDivision One

11 Jul, 2014 - 14:07 0 Views

Kwayedza

HAKUZI kudanwa anonzwa svondo rino kunhandare dzakasiyana munyika uko zvikwata zvenhabvu zvemuDivision zvichange zvichibandana zvichirwira zvibodzwa zvekuti zvigokwanisa kupinda muPremier Soccer League (PSL) gore rinotevera. Zvikwata zvakaita seBindura United, Gunners FC, Flame Lily neMushowani Stars zviri kutamba zvakasimba zvichitungamira ligi reWorld NAVI Northern Region Soccer League kozoti kune rimwe divi zvikwata zvinoti Royal Classic, Chegutu Pirates uye neCommando Bullets zviri kurwira hupenyu hwazvo kuti zvirarame mune ramangwana muligi iri.

Pamitambo 14 yatambwa parizvino, Bindura United ndiyo iri kutungamira muligi iri ine zvibodzwa 32 ichiteverwa neGunners FC iyo ine 31 kozouya Flame Lilly iri pechitatu ine zvibodzwa 32.
Bindura vs Flame Lilly

Munyori mukuru weBindura United, Elias Banda, svondo rino akati chikwata chavo chiri kutamba nhabvu inodakadza.
Bindura pari zvino kana ichitambira kunhandare yeChipadze haisati yambokundwa asi svondo rino zvichaonekwa kuti inoramba yakasimba here apo ichasangana neFlame Lilly.

Bindura, mumutambo wayo wekupedzisira yakaita mangange 0-0 neMushowani Stars ukuwo Flame Lilly yakakunda Twalumba FC 1-0.
Banda akati chikwata chavo hachisi kumbovhunduka kuuya kweFlame Lilly sezvo chiri kungoda zvibodzwa zvitatu pazvichasangana.
“Flame Lilly takaigadzirira uye takaimirira svondo rino kuuya kwayo.

“Isu hatina watinotya, tiri kungotamba nhabvu yedu uye chinhu chikuru chatinotarisira kutora zvibodzwa zvitatu chete.
“Svondo radarika takarasikirwa nezvibodzwa zviviri  patakasangana neMushowani Stars apo takaita mangange 0-0.
“Asi nematambiro atinoita tiri pamusha tinoziva kuti tichatora zvibodzwa zvese zvitatu svondo rino,” akadaro Banda.

Kune rimwe divi, munyori mukuru weFlame Lilly Alfred Machingauta akati chikwata chavo chiri kutirena zvakasimba kuti chitore zvibodzwa zvese.“Tiri kutamba zvinonwisa mvura, chinhu chikuru kuti tirambe tichirwa semvumba tihwine mukombe uyu pakupera kwegore,” akadaro Machingauta.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>