Changamuka mhani iwe!

27 Oct, 2017 - 00:10 0 Views
Changamuka mhani iwe!

Kwayedza

MAZUVA ano n’anga nemaporofita vawandisa zvekuti hapachazivikanwa vari pachokwadi nevanonyengedza vanhu. Mabasa avanobata ndiwo anovapupurira. Kune zvimwe zviri kuitiswa vanhu nemaporofita nen’anga zvinokunda ngoma kurira.

Zvimwe zvacho unozvibvunza kuti vanhu vapindwa nei! Kupusa, inhamo kana kuti vamwe havasisina pfungwa dzekuti vazvionere kuti zvavanoitiswa handizvo?

Senyaya yatinayo svondo rino, yemurume wekwaSeke uyo asiri kumbonyara kutaura kuti akadya tsvina yemukadzi wake semhiko yaakange apihwa nen’anga nemuporofita “vakamushandira” kuti mudzimai wake asaite zvikomba. Kutodyiswa tsvina yemunhu? Uchiti uri kuitei?

Sekutaura kwemurume uyu, akamanikidza mudzimai wake kuti aitire tsvina yake mubhaketi raive mumba mavo iyo akazodya yose pashure ndokunwira mvura. Kuti zvigodini nhai vanhuwe?

Tsvina yemunhu inosemesa kunyangwe kuiona chaiko asi mumwe ndipo pooita yekukambura kunge sadza?

Zvimwe zviri kuitiswa vamwe vanhu nemaporofita nen’anga zvinotorovesa hana nekunzwisa hasha. Vamwe vanhu havachazvifungira pachavo. Vave kufungirwa nen’anga nemaporofita.

Vamwe ndivo vanonzi vauraye vanhu senzira yekuchekeresa kuti mabhizimisi avo abudirire kunove kuzvisikira moto muziso sezvo mishonga yakadai ichizovapfukira mune ramangwana, zvimwe zvichipedza mhuri kana dzinza.

Kune vamwe zvakare vari kurarama neutachiona hweHIV vanonzi nen’anga kana nemaporofita vanofanira kurara nevana masope kana mwana mudiki kuti denda iri ripere. Kwese uku kutadza kushandisa pfungwa, hakuna zvakadaro. Vanhukadziwo, vamwe vari kupedzisira vabhinywa nemaporofita vachinzi inenge iri nzira yekuvauchika, izvo zvinoita kuti vamwe vavo vapedzisire vapihwa zvirwere zvepabonde, kusanganisira utachiona hweHIV.

Chinoshamisa panyaya dzakadai ndechekuti zvisinei nekuti veruzhinji vanogara vachinzwa kuti ndizvo zviri kuitwa nemamwe maporofita nen’anga, asi kune vamwe vanoramba vachibatwa mumusungo mumwe chete.

Regai vakuru vati kwadzinorohwa matumbu ndiko kwadzinomhanyira.

Semaonero edu, veruzhinji havafanire kungotenda zvose zvavanoudzwa nen’anga kana maporofita.

Zvimwe zvinoda kudzamisa pfungwa woga sedungamunhu nekuti hazvina kunaka kuti vanhu vakuru vatambwe navo pfungwa dzavo sepwere.

Chokwadi munhu mukuru unganzi idya tsvina yemunhu, iwe wotodya wakasununguka?

Maitiro akadai aya anonzwisa hasha.

Kunze kwekuva negutukutu kunhuwa, zvine njodzi huru kuti tsvina yemunhu inge ichidyiwa sezvo munhu anogona kurwara nezvirwere zvemanyoka zvakadai setyphoid kana korera.

Semaonero edu, munyaya yemurume uyu zviri pachena kuti n’anga nemuporofita kwaakaenda kunotsvaga rubatsiro vanogona kunge vakamufurira kuti adye tsvina yemudzimai wake kuti iye ogofunga kuti zvinoshanda asi kuri kungoda kumushandisa chete.

Kune vanhu vakawanda nhasi uno vari kuchema mushure mekunge vanyengedzwa nemaporofita nen’nga nekudaro ichi chinofanira kuve chidzidzo kune vamwe.

 

Nerimwewo divi, masangano anomirira n’anga nemaporofita anofanira kutora matanho akasimba ekuranga nhengo dzawo dzinoshanda dzichitsaudzira seavo vekufurira murume uyu kuti adye tsvina yemudzimai wake.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey