Uncategorized

Chati homu chareva!

29 Aug, 2014 - 09:08 0 Views

Kwayedza

VANHU vese vari pakati pokuita zvakasiyana-siyana. Asi sokutaura kwandakaita svondo rapfuura, mwedzi waNyamavhuvhu 2014 unenge nhumbu yomukadzi isingataure chayadya. Ndakataura mavhu namarara ezvinhu zvaitika mwedzi uno chete, asi handina kupedzeredza.

Vamwe vaizviziva kuti mutambo weCricket uchaita mutorododo, matimu maviri eCricket ane mbiri okuSouth Africa neAustralia achiuya kuzotamba netimu yeZimbabwe, uyewo kutamba pamwe chete. Pakaenda vana Henry Olonga vazhinji vakafunga kuti Cricket muZimbabwe yaparara. Kwaive kutanga kwezvimwe.

VaWalter Mzembi naVaKarikoga Kaseke muriko here uko? Havo vashanyi vakaunzwa nemitambo. Makereke haanawo kuda kusaririra. Mumasvondo maviri adarika nhandare yeNational Sports Stadium yakatinhira namakungano amakereke maviri: United Methodist Church vachiita musangano wavo wokupemberera makore 117 sangano ravambwa muno muZimbabwe. Vamwe vashanyi vakabva kune dzimwe nyika.

Kupera kwesvondo radarika kwakaitazve musangano weJehovah’s Witnesses, vanozivikanwa nezita rokuti maWatchtower. Musangano wamazuva matatu wakazadza mahotera nedzimwe dzimba dzinogara vashanyi.

Kune vashanyi vaipfuura zviuru zvitatu vakabva mhiri kwamakungwa, kusanganisira kunana America kwavanomborambidzwa vachinzi kuZimbabwe kune mhirizhonga. Vamwe vakabva muno muAfrica. Kuna VaMzembi navaKaseke zvakare: “Religious Tourism” iya hakusi kurota, asi ichokwadi chiri kuonekwa nomunhu wese. Ndosaka ndati chati homu chareva!

Zvabva zvandifungidzisa chinyorwa chandakaona pawebsite yeForbes Magazine musi uno. Musoro wacho unoti: “China understands what the West doesn’t: Africa is our next superpower”. Chati homu chareva zvakare.

Zvanzi nyika yeChina ine runzwisiso rwusina nyika dzokumadokero kuti dunhu reAfrica ndiro richave mukono unobaya dzose mune ramangwana.

Manzwisisiro avanhu vokumadokero haana kusiyana neemumwe munyori anonzi Gift Phiri ane chinyorwa chandakaona zvakare pawebsite yeAl Jazeera. Zvanzi naPhiri, husachigaro hweSadc hwakatorwa naPresident Mugabe musi uno ndehwamatandanyadzi, hahuna masimba uyewo zvakaitwa navatungamiri veSadc kuti zvikwezvere VaMugabe kuti vagosiya chigaro.

Kana ndimiwo! Ndokupi kunonzi munhu akunda musarudzo sokukunda kwakaita President Mugabe nebato ravo gore rakapera, vopihwa zvigaro muSadc neAfrican Union samatandanyadzi okuti zvivakwezvere kusiya chigaro?

Nhai VaPhiri, kurongeka rudziiko? Al Jazeera isangano renhau renyika dzimwe dzokumadokero. Harina kusiyana nereCNN kana BBC, tinozviziva. Saka, makange muchiratidza kuti ruzivo rwenyu rweAfrica rwakamira sei, kana kuti maida kupa pfungwa yokuti masangano omuAfrica hapana zviripo, kana hurongwa hwawo hapanawo zvakare?

Ndokupi kune vari kubuda basa vanokwikwidza musarudzo, vokunda, vopihwa zvimwe zvigaro, pedzezvo voti vave kusiya basa?

Ndopandakazofungawo kuti munyori wechinyorwa cheForbes Magazine ari kuti homu nokuti President Mugabe vari kuChina kwavari kushanya zviri pamutemo (State visit) kwesvondo rese? Gift Phiri, ngaachiona musiyano wepfungwa dzake, nezvazviri chaizvo-izvo. Kave keshanu kubva muna1981 President Mugabe vachishanyira China zviri pamutemo.

Ngatitsvagei kuti kutambirwa kwavo svondo rino kune musiyano here nokutambirwa kwavakamboitwa! Phiri ari kutiiwo namashoko akataurwa nomutungamiri weChina, VaXi Jinping, naPrime Minister wacho, nemutauri mukuru mudare reParamende uyewo nezvakataurwa navamiriri venyika dzokuAfrica muChina? Aive matandanyadzi zvakare okuti kana President Mugabe vadzoka kumusha voti ndave kusiya basa?

Zvogobatsirei kuZimbabwe neChina? Unongozoona kuti misoro izere nepfungwa yokuti vachaenda riini? Muchaneta rikave zita romwana.

Tochionesanawo kuti Pascal-Emmanuel Gobry akanyora “China understands what the West doesn’t: Africa is our next superpower” anoti kudii muchidimbu kunyangewo achitsoropodza China yacho: “Not that ‘Africa’ is a country, of course, but it helps to look at broad, continent-wide trends. People are reluctant to the idea of demographics as the great driver of history. In the general case, this might be true. But the 21st century will see an unprecedented situation: one where every continent will face large-scale aging and slowing demographic growth. Every continent, that is, except one: Africa (or, to be more specific, sub-Saharan Africa). Africa is young whereas the rest of the world is graying, and any strategic thinking about the 21st century must take this into account . . .”

Haasi kuda kungofadza Africa. Zvangofanana nezvakaitwa neSadc, AU neChina, zvisiri zvokungoda kufadza VaMugabe.

Pane pavari kuona pakaonekwawo nomunyori uyu maringe neramangwana reAfrica. Zviri kumwene wejira, kufuga kana kuwarira. Chokwadi kunyange chikarambwa, hachisanduki kuve manyepo. Nokuti chokwadi ichokwadi!

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>