Chaya 7979 urwise Ebola

13 Dec, 2014 - 14:12 0 Views
Chaya 7979 urwise Ebola

Kwayedza

gwinji

Dr Gwinji

Muchaneta Chimuka
MAPAZI maviri eHurumende anoti rezveutano nekurerwa kwevana nerekufambiswa kwemashoko akaparura chirongwa chekuunganidza mari yekurwisa chirwere cheEbola muAfrica.Vachitaura svondo rapera pamusangano wavakaita nevatori venhau muHarare, munyori mukuru kubazi rezveutano nekurerwa kwevana, Dr Gerald Gwinji, vakati makambani anoona nezvekufambiswa kwemashoko, akadai seEconet, Telecel neNetOne, akapinda muchirongwa cheAfrica United Against Ebola Campaign, icho chakavambwa nesangano reAfrican Union kuti vange vachibatsira mukurwisa chirwere chazezesa ichi.

Pasi pechirongwa ichi, vanoona nezvembozhanhare muAfrica vari kuita mushandirapamwe wekuunganidza mari yekurwisa Ebola apo vanhu vanoshandisa mbozhanhare vanotsigira nemari ingaite US$0,20 kuburikidza nekutumira mashoko kunhamba dzinoti 7979.

Mari ichaunganidzwa ichange ichibatwa neAfrican Union uye ichabatsira mukurwisa Ebola kuburikidza nekutenga mbatya dzekuzvidzivirira, kufambisa mashoko nezvimwe zvakawanda.

“Sangano reAfrican Union rakaona zvakakodzera kuti tinge tichibatana nedzimwe nyika mukurwisa Ebola. Vari kutokwashawo ruzivo rwatiinarwo munyika muno kuti tinge tichirwisa Ebola muAfrica. Kune hondo dzakarwiwa dzikakundiwa maringe neEbola kunyika dzakadai seSenegal, Nigeria neDRC asi nyika chaidzo dziri kunyanya kutambudzwa neEbola dzinoti Guinea, Sierra Leone neLiberia.

“Tikaita mushandirapamwe wekuti chirwere ichi chinge chichipera kunyika kwachiri zvinobatsira kuti nyika dzisati dzava nacho dzisave panyatwa,” vakadaro Dr Gwinji.

Vakati vesangano reAU vakakumbira rubatsiro kubva kune vanoona nezvekufambiswa kwemashoko kuti vabatsire mukurwisa Ebola kuburikidza nekufambisa mashoko echenjedzo pamwe nekutsvaga zvekushandisa mukurwisa chirwere ichi. Vakaenderera mberi vachiti Ebola haisati yawanirwa mushonga nokudaro kufambiswa kwemashoko nekuunganidza mari yekuti vanhu vange vachivhenekwa nekudzivirirwa kunobatsira kuti chirwere ichi chisatekeshere.

Vakati kupindira kuri kuita makambani anoona nezvekufambiswa kwemashoko kwakakosha zvikuru nekuti kunobatsira bazi rezveutano kuti ringe richigadzirira. Vachitaura pachiitiko chimwe chete ichi, munyori mukuru kubazi rezvekufambiswa kwemashoko, Engineer Sam Kundishora, vakati bazi ravo richabatsira rezveutano kurwisa Ebola.

“Tichaona kuti tavapa nyanzvi dzinoona nezvekufambiswa kwemashoko nekuti ndizvo zvakakosha kuti vanhu vawaniswe ruzivo nenguva. Tichabatanidza veruzhinji neHurumende, nzvimbo dzinorapirwa vanhu nekumiganhu yenyika kuti vange vachibatsirwa nemari yatichaunganidza,” vakadaro.

 

Share This:

Sponsored Links