Uncategorized

Chembere kufa nekenduru?

25 Jul, 2015 - 00:07 0 Views
Chembere kufa nekenduru?

Kwayedza

YAKAVE batai-batai pane imwe nhamo kuMabvuku, muHarare, zvichitevera kudzingirirwa kwakaitwa vatori venhau veKwayedza vachida kurohwa nemhomho yaivepo, iyo yaisada kuti nyaya yevamwe ambuya vanonzi vakafa mushure mekunge vapiswa nekenduru apo pamba pavo paiitwa zvechivanhu ibude munhau.

Mutori wenhau uno akadzingiririrwa nemusi weChishanu svondo rapera achida kuitwa kanyama-kanyama apo akange aenda panhamba 239 Ngarandi Road, Old Mabvuku, paiva nenhamo yaMbuya Theresa Chatyoka (70), achida kunzwizisisa firo yavo zvichitevera mashoko anoti vakafa vapiswa nemoto wekenduru.

Apo Kwayedza yakange iri munzira kuenda kurufu uku, yakasangana nemwanakomana wemushakabvu, Ire Chatyoka, uyo aiti akatsva mawoko achiedza kudzimura moto wakapisa amai vake.

Ire akaratidza munyori uno mawoko ainge aine maduzu ehutsva uye airatidza kurwadziwa. “Zvakaoma uye zvinorwadza. Mawoko angu aya akatsva ndichidzimura moto zvekuti ndichatoenda kuchipatara nekuti ndiri kurwadziwa. Zvizhinji handei tinotaura tiri kumba nekuti inyaya iri pachena, isingafaniri kuvanzwa asi hatingatauri tiri munzira,” akadaro.

Ire anoti amai vake vakanofira kuchipatara cheParirenyatwa Group of Hospitals.

Munyori uno akapihwa chigaro asi pasina chinguva, akangoerekana aunganirwa nevanhu vachida kumurova nehuni nemabwe vachiti vaisada kuti nyaya iyi ibude munhau.

“Hezvo! Tanzwa kuti uri weKwayedza? Hatidi kutaura newe, buda zvako uende tisati takuuraya. Amai havana kuurayiwa nemunhu sezvamuri kunzwa nemakuhwa mumaraini. Vakatsva vari voga, vakafa vari voga saka buda!

“Tine hanzvadzi yedu inonyora mapepanhau saka ndiye achanyora nyaya yedu,” akadaro mumwe mukadzi achidyunga-dyunga mutori wenhau. Mutori wenhau akazotizira mumotokari asi chaunga chakatevera chichida kuvatema.

Zvisinei, mashoko asina kutsinhirwa anoti mbuya musakabvu vakafa mushure mekupiswa nekenduru apo pamba apa paiitwa zvechivanhu.

“Zvinoshamisa kuti Mbuya Chatyoka vanganzi vakafa nekenduru rakapisa hembe yavo. Zvichiri kutinetsa nekuti takanzwa kuti pane zvipomerwa zvakange zviri kuitwa kwavari, saka kenduru raishandiswa mukupisa mishonga uye vamwe vari kuti vanenge vaitoita zvekumanikidzirwa.

“Handifunge kuti vehukama vangataure chokwadi asi Mwari ndivo vanoziva,” akadaro mumwe anogara munharunda iyi uyo akaramba kuti zita rake riburitswe.

Mutevedzeri wemutauriri wemapurisa muHarare, Assistant Inspector Simon Chazovachii, vanoti nyaya yekutsva kwaambuya ava haina kumhan’arwa kumapurisa.

“Tiri kuita ongoroo maringe nenyaya iyi asi kana kuri kuti munhu akafa achitsva, inyaya yaifanira kumhan’arwa kumapurisa,” vakadaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>