Uncategorized

Chembere yakaedzerwa kumakuva

16 Mar, 2018 - 00:03 0 Views
Chembere yakaedzerwa kumakuva Mbuya Magarate Machigura

Kwayedza

Kingstone Mapupu naAdrian Mawurukira

CHEMBERE ine makore 80 okuberekwa yekwaMangwende, kwaMurehwa  –  iyo iri kupumhwa huroyi — inonzi yakayedzerwa ichingomberereka, muviri wayo uzere madota nemadhaka, pamusha weimwe mhuri apo pane makuva, rimwe racho richangobva kuvigwa mutumbi wemwana wepo.

Mbuya Magarate Machingura (80), wemubhuku raMhonyera, kuMunamba, vakayedzerwa nemusi weChipiri svondo rino vachingodzungaira paguva raThompson Chiswa (36) uyo anonzi akafa achirutsa.

Thompson asati ashaika nemusi weChina svondo rapera, pamusha pavo panonzi pakasvika mukweshwa weshato iyo yavanoti yakanetsa kuuraya, ikazopedziswa nepfumo.

Pasi pemutemo, imhosva kuuraya shato muZimbabwe.

Mazuva matatu chikara ichi chauraiwa, murume uyu akabva afa asina kurwara, izvo zvinofungidzirwa kuti zvine chekuita nenyoka iyi.

Mutumbi waThompson wakazovigwa pachuru chiri mumunda wasekuru vake, VaWebster Mukuze Usaihwevhu.

Kumba kwevabereki vemufi, uko aigara, kwakavakidzana nekwaMbuya Machingura.

Mbuya Machingura vanobvuma kuti vakayedzerwa vari kumakuva evatorwa, asi vanorambisisa kuti muroyi sezvinotaurwa munharaunda. Zvisinei, vanoti havazive kuti zvakafamba sei kuti vazofuma vari kumakuva, muviri wavo wakachenuka kunge vakazorwa dota uye vaine madhaka.

Mbuya Emma Machingura

“Chandinoziva ndechekuti tange tiri vatatu — ini nevamwe vangu vaviri, vakadzi tose. Taenda kun’anga iri kunaNyaguwe (rwizi) uko ndange ndichinorapwa musoro, tikazodzoka ndokupesana parwizi Nyagambe. Kubva ipapo handizive kuti vamwe vangu vafamba sei, ini ndazongoonekwa ndava pamusha pevaridzi,” inodaro chembere iyi.

Pavakawanikwa vachingotenderera, Mbuya Machingura vanonzi vainge vakapfeka.

Mbuya Machingura vanonzi vanogara nevazukuru vavo uye vanoti havazive kuti vakabva sei kumba kwavo.

Sabhuku Mhonyera, VaBonface Mhonyera (60), vanotsinhira nyaya iyi vachiti ambuya ava vakawanikwa vachingodzungaira paguva idzva iri.

“Mukoma waambuya ava, Emma Machingura, auya achiti munin’ina wavo awanikwa kumba kwevanhu, pamusha pachangobva kuitika rufu achinzi zvaari kutaura hazvisi kunzwisisika. Anonzi awanikwa ari pamakuva achiti asiiwa nevamwe vake vaviri.

Wadzanayi Nyamupepa

“Pavauya apa, vanga vatadza kutora munin’ina wavo vachiti arambira kumba uku,” vanodaro Sabhuku Mhonyera.

Ambuya ava vanonzi munhu anozivikanwa nekusava nedambudziko rekurasika njere uye vakatadza kutsanangura kuti vainge vawanepi madota nemadhaka manyoro izvo zvainge zvakaposhongedza muviri wavo.

“Mbuya ava vaonekwa naWebster nemudzimai wake kuma4 kana 5 dzemangwanani. Vanonzi vataura kuti vanga vari kurwizi uko vazosiiwa nevamwe vavo mushure mekutorerwa bhachi iro vanga vakapfeka.

“Vanonzizve vari kuti vanga vari kurwizi rwaNyagambe pamadirirano, vombotizve vange vari kurwizi Nyaguwe uko vayambuka nepamusoro pemvura. Izvi zvativhundutsa nekuti rwizi urwu rwakazara zvikuru,” vanodaro Sabhuku Mhonyera.

Vanoti Mbuya Machingura vanonzi vanoti pavakapesana nevamwe vavo, apa ndipo pavazosvika kumakuva vasisazive zvavari.

Sabhuku Mhonyera

Sabhuku Mhonyera vanotizve Webster paakaona mashura aya, akazoshevedza amai vake, Clemencia Usaihwevhu, avo vakanotaura naambuya ava asi ndokutadza kunzwanana.

“Mwana wemukoma waambuya ava ndiye azoenda akanokwanisa kuvanyengetedza kuti vabve pamakuva pamusha pevaridzi. Azoenda navo kumba kwemukoma wavo.

“Ini ndaenda ndikanowana vachiriko. Chazonetsa ndechekuti tazoenda nehama dzemufi kuguva uku tikanowana dombo rekumusoro kweguva rakatsemurwa uye nevhu rakaparwa.”

Mbuya Machingura vanoenderera mberi nehurukuro yavo neKwayedza musi waitika mashura aya:

“Zviri kutaurwa zvekuti ndiri muroyi ini handisi. Asi chaizvo zvaitika handizvizive kunze kwekungoti tanga tiri vatatu taenda kun’anga kunaNyaguwe. Rwizi tayambuka rwuzere kudaro nepamusoro pemvura.”

Kuchiti amai vemushakabvu Thompson, Mai Jane Kokorigo (57), vanoti Mbuya Machingura muvakidzani wavo.

“Mwana wangu takanomuviga kusitendi kwaWebster anova sekuru wedu uyewo nekuti ndiko kwatakaviga sisi nasekuru vake. Tazongonzwa kuti mbuya ava vayedzerwa tikaenda tikanovaona variko,” vanodaro.

“Tichitaura navo, vazoti, ‘munongondinetsa ndega ndega, ndanga ndiine vamwe vangu vaviri’, ndokuvadura nemazita avo. Muviri wavo wose wanga uine madota nevhu. Ini ndinoti zvichida mbuya ava vane chavanoziva nekufa kwemwana wangu,” vanodaro Mai Kokorigo.

Mai Jane Kokorigo

Vanoti madhaka aiva naMbuya Machingura akangofanana neepaguva remwana wavo asi havazive kuti dota vangange vakariwana kupi.

“Dombo rekumusoro kweguva rakatsemurwa uyewo ivhu rekumusoro rakakurwa. Tatomirira kufamba nekuda kwenyaya iyi,” vanodaro.

VaSteven Usaihwevhu (41) vanove sekuru vaThompson vanotiwo havana neremuromo.

Mashoko avo anotsinhirwa naLaston Chando (32) uyo anove sekuru wemushakabvu zvakare achiti vachatofamba semhuri kuti vanzwisise chaizvo zvakaitika panyaya iyi.

Kuchiti Leonard Chiswa (30), uyo anove munin’ina waThompson, anoti anokumbira vatungamiri vedunhu iri kuti panyaya dzakadai vapote vachishevedza n’anga kana maporofita echokwadi, vogadzirise zvinhu.

Monica Chiswa (27) hanzvadzi yaThompson anotiwo: “Tichafamba kune vanogona kuti tibate chokwadi chaicho.

“Hanzvadzi yarwara nekurutsa pano, pakauya nyoka hombe yaiva yakareba kudarika mamita matatu tikaiuraya. Akazongoita mazuva matatu achibva afira kukiriniki kuMunamba uko takanga taenda naye.”

Wadzanayi Nyamupepa (37) anova muramu wemushakabvu anoti rufu rwaThompson harunzwisisike.

Dorcus Chiswa (42), hanzvadzi kuna Thompson anotiwo kudhiritswa kwakaitwa guva rake kune chirevo.

Anoti Mbuya Machingura vari kuti vakaenda nevamwe vavo kurwizi rwaNyaguwe, chinhambwe chaanoti chakareba zvekusava nyore kufambwa nechembere.

Laston Chando

VaTafireyi Jee Majakwara (66) vanove mwana wemukoma waMbuya Machingura, avo vakazonovatora kumba kwavairambira, vanoti zvakavatorera nguva kuti vakwanise kuvanyengetedza kuti vaende navo kumba.

“Handizive kuti vaidei kumba kwemhuri ichangobva kuviga hama yayo, zvinonetsa kunzwisisa,” vanodaro.

Mbuya Emma Machingura (86) vanotiwo zvanovanetsa kunzwa kuti munin’ina wavo aiva kumakuva evanhu uko airambira.

“Ndaendako nhasi (Chipiri chino) ndikanotaura naye achitaura nyaya dzisinganzwisisike, haarware nepfungwa uyu. Handizive kuti chii chaicho chaitika kwaari.

“Ndamuwana akazara madhaka nedota muviri wose nekumeso achirambira kumba kwakavigwa chitunha,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links