Chenjedzo kuvarimi vechibage

11 Jul, 2014 - 14:07 0 Views
Chenjedzo kuvarimi vechibage MUDZIMAI uyu aiva paLion’s Den kuChinhoyi, uyo asina kuzivikanwa zita rake, aiva mubishi kutengesa chibage chavanotenga kuvarimi nemari shoma kumatunhu eHurungwe neChinhoyi vachizochitengesa nemari yakawanda zvikuru. — Mufananidzo: Memory Mangombe

Kwayedza

MUDZIMAI uyu aiva paLion’s Den kuChinhoyi, uyo asina kuzivikanwa zita rake, aiva mubishi kutengesa chibage chavanotenga kuvarimi nemari shoma kumatunhu eHurungwe neChinhoyi vachizochitengesa nemari yakawanda zvikuru. — Mufananidzo: Memory Mangombe

MUDZIMAI uyu aiva paLion’s Den kuChinhoyi, uyo asina kuzivikanwa zita rake, aiva mubishi kutengesa chibage chavanotenga kuvarimi nemari shoma kumatunhu eHurungwe neChinhoyi vachizochitengesa nemari yakawanda zvikuru. — Mufananidzo: Memory Mangombe

VARIMI vekuHurungwe kuMashonaland West nevemamwe matunhu akasiyana munyika vakayambirwa kuti vangwarire makoronyera ari kufamba achivatengera zvirimwa zvavo nemari yepasi izvo zvave kutyirwa kuti vamwe vanopedzisira vawirwa nedambudziko renzara.Yambiro iyi yakapihwa naMambo Chundu, VaAbel Mbasera (44), zvichitevera kufamba kuri kuita makoronyera mudunhu iri nekuda kwegoho guru rakaitika mwaka wezhizha wadarika zvichitevera kunaya kwemvura kwakanaka munyika yose.

“Tine vanhu vari kufamba mudunhu redu reHurungwe vachitenga chibage nezvimwe zvirimwa nechitsotsi, vanhu ava vanogona kuuya vaine mari kana vachichinjanisa nembatya kana zvekudya zvakasiyana. Isu semadzishe tinoti varimi vedu vazvipe nguva pakutengesa zvirimwa zvavo,” vakadaro Ishe Chundu.

Ishe Chundu  vakataura vakamirira madzishe manomwe ose emudunhu reHurungwe nemasadunhu avo mana. “Ini saShe Chundu ndinogona kutsiura varimi vekudunhu rangu asi zvakanaka kuti nditaure ndakamirira dunhu rose reHurungwe rine madzishe 7 nemasadunhu mana, ndiri kuti kuvarimi vedu ngavangwarire. Izvozvi bhagidhi rechibage riri kutengwa nemari inotangira paUS$2 kusvikawo US$3,” vakadaro.

Vakati zvinoreva kuti tani yechibage nemutengo uyu inenge ichitengwa neUS$66 kwavakati kubirwa masikati machena. “Mumatunhu edu ese emadzishe anobatanidza ini Chundu, Nematombo, Dendera, Nyamhunga, Mujinga, Kazangarare, naChanetsa  nemasadunhu edu anotiwo Muzilawembi, Mudzimu, Matawu, naShumbayawonda kwese uku varimi vakakohwa zvinonwisa mvura uko makoronyera aya ari kufamba achitora chibage ichi mahara,” vakadaro. Kwayedza yakatenderera kumatunhu aya ikazvionera vemarori vachitenga chibage nezvimwe zvirimwa.

Zvakadai, vamwe varimi vakataurwa navo vakati chinovakonzera kutengesa zvirimwa zvavo nemitengo yakaderera ndechekuti vanopihwa mari yavo pakerepo.

VaItai Mukwati (40) vekuDoro vakati vakatengesa ringava saga ravo rechibage kana nzungu vanopihwa mari yavo ipapo kwete zvekuzonzi mari ichauya.

“Saka tinozongoti chero mari yauya ndiyoyo nekuti tinenge tisina mari yekushandisa mudzimba,” vakadaro VaMukwati.
Vanhu vazhinji vari kufamba vachitenga zvirimwa ava vanogara mumataundishipi akaita seMagunje neZvipani.

Makoronyera aya anozoenda kunzvimbo dzakaita seHarare, Kariba, Norton, Chinhoyi, nekumwe uko vanonotengesera vanhu vakazvimirira kana makambani nemari iri pakati peUS$6-00 kusvika US$9-00 pabhagidhi.
Gore rakapera dura renyika reGrain Marketing Board raitenga chibage neUS$390 patani.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey