Chenjedzo kuvarimi vemuriwo

15 Aug, 2014 - 00:08 0 Views
Chenjedzo kuvarimi vemuriwo

Kwayedza

Farm3

VAJUSTIN Chipongo

Malven Mugadzikwa
IMWE nyanzvi yekurima mbesa dzemuriwo yoti varimi vanofanira kurima mbeu inenge yakauchikwa sezvo iriyo inovapa pundutso mumabasa avo. VaJustin Chipongo avo vanova nyanzvi yekurima miriwo yakasiyana vachishandira papuprazi reNew Donnington Farm kuNorton vanoti kazhinji varimi vakawanda vanowanzorima mbeu yemuriwo yavanenge vatora kubva pazvirimwa zvavo izvo zvinodzikisira mhando yechirimwa pamwe chete negoho.

“Vazhinji vanorima mbesa dzemuriwo  kana matomatisi vachishandisa mhodzi dzinenge dzabva pamuriwo wavanenge varima voga. Izvi pane dzimwe nguva zvinobatsira asi kazhinji kacho kunaka kwechirimwa kunowanzodzikira kana zvichienzaniswa nemhodzi dzakauchikwa. Varimi ndinovakurudzira kuti vashandise mhodzi dzakauchikwa uye kutevedzera maisirwo anofanira kuitwa mufudze pamwe chete nefetereza,” vakadaro VaChipongo.

Share This:

Sponsored Links