Chenjererai maporofita!

23 Feb, 2018 - 00:02 0 Views
Chenjererai maporofita!

Kwayedza

KUNE chirevo chinoti chivi chinodya mwene wacho, kureva kuti kana munhu akaita zvakaipa, zvinozomudzokera. Muenzaniso ndeweimwe nyaya yatinayo svondo rino, nyaya yemuporofita anonzi akaonekwa aine mukwesha wenyoka, mari yemanyepo nezvimwe zvinosanganisira mishonga, hari nemakondomu mumotokari yake.

Mukubuda kwenyaya iyi, zvinonzi muporofita uyu aida kuchinja mari yemaUS$ yemanyepo inosvika $800 kune vamwe vakomana vanoita basa rekuchinja mari mumigwagwa yeguta reHarare.

Muporofita uyu – uyo aive nemumwe wake – anonzi paakaona kuti chitsotsi chake chekuda kuchinja mari yemanyepo chazivikanwa, akada kutiza nemota yake iyo yakabva yabonderana nedzimwe motokari mbiri.

Vanhu vaivepo vakazosecha motokari yemuporofita uyu ndokuona iine nyoka mhenyu yaive musaga mubhuti nezvimwe zvinhu zvinosanganisira nyanga.

Zviri pachena kuti muporofita uyu aida kuchinja mari yemanyepo iyi achinyatsoziva zvaaiita nekuti vakange voda kutiza apo chikiribidi chavo pachakabuda pachena.

Vanogona kunge vaimbozviita vachibudirira asi musi uyu gava rakadambura musungo sezvo dhiri ravo rakaputika.
Ichokwadi zvakare kuti rine manyanga hariputirwe mumushunje sezvo nyaya yekuda kuchinja mari yemanyepo yakazofumura zvakawanda zvaive nemuporofita uyu nemumwe wake.

Ichi chidzidzo kune veruzhinji kuti upenyu hwehuguruvhani hauna chiyamuro uye mhedzisiro yacho kunyadziswa chete sezvakaitwa varume vaviri ava.

Muporofita uyu nemumwe wake vanogona kunge vari muchikwata chavanatsikamutanda avo vanokandira vanhu zvinhu mumisha nekucherera muzvivanze, ivo vozonyepa kuti ndivo vanenge vazvibata nemasimba avo.

Maitiro akadai anopesanisa mhuri nekuti kana mumwe wehukama akanangwa huroyi panenge pasisina kugarisana zvakanaka.
Kune mashoko zvakare anoti vamwe vanhu vave kuita basa rekuchera nyoka vachitengesera vanaTsikamutanda.

Nyoka dzakadai ndidzo dzinozotorwa dzichinokandwa mudzimba dzevanhu nanaTsikamutanda nemaporofita enhema aya vachizonyeba kuti ndedzehuroyi. Hazvishamise kuti nyoka imwe chete inokwanise kukandwa pamisha inodarika kana gumi apo Tsikamutanda anenge achiramba kuti iurayiwe achiti anozoiuraya ave oga.

Izvi anenge achizviitira kuti azoishandisa zvakare mukunyebera vanhu. Kana kukanzi kuda mari, chokwadi munhu akakwana angafamba nechikara chakaita senyoka?

Nyaya yemuporofita akarikitwa mushure mekunge abatwa nenyoka uyu inopa chidzidzo kune veruzhinji kuti vasangovimba nevose vose vanozviti maporofita. Vazhinji vavo matsotsi anenge achida kuvarozva upfumi hwavo nekudaro hazvishamise kuona kuti vakawanda vacho vanopedzisira vamiswa mumatare vachipomerwa mhosva dzakasiyana dzinosanganisira kubata vanhukadzi chibharo.

Munhu ngaadye zvinobva mudikita rake kwete kuda kurarama nekubira nekutsotsa vanhu.

Share This:

Sponsored Links