Uncategorized

Chi-town: 18 years musuweji

28 Sep, 2018 - 00:09 0 Views
Chi-town: 18 years musuweji Vana vachidarika nepane masuweji

Kwayedza

Kingstone Mapupu
VAGARI vemumusha weManyame Park Phase 2, kuChitungwiza, vari kurarama vakaita zvekuny’ura muhuchapa uye vave kutyira utano hwavo sezvo vari panjodzi yekutapurirwa zvirwere zvemanyoka secholera zvichitevera masuweji avanoti ave nenguva yakareba achingoyerera pazvivanze nemudzimba.

Sechinangwa cheKwayedza chekurwisa kupararira kwechirwere checholera, nemusi weChipiri svondo rino bepanhau revanhu rakanomema guta reChitungwiza ndokuona masuweji achingoyerera nepazvivanze uye vagari veko vanoti izvi zvava nemakore 18 zvichiitika.

Pane mumwe mugero unofambisa masuweji ari pachena unodarika nepedyo nezvivanze zvedzimba.

Mumwe wevagari vemunzvimbo iyi, VaFreddie Pabi (35), vanoti vari kurarama nenyasha dzaMwari.

“Mugero unofambisa suweji uyu wava kuvhara tsvina iyi ichipinda nemudzimba. Tave kutyira kubatwa necholera yanetsa iyi, kanzuru tinoitaurira asi hapana danho ravanotora,” vanodaro.

Dziva remasuweji

Mashoko avo anotsinhirwa naVaJulius Ngombe (38) vachiti dambudziko iri rinoda kugadziriswa nekukasika.

Mai Precious Manyengedzo (60) vanotiwo pamba pavo panogara pachingoyerera masuweji uye vakatanga kugara munzvimbo iyi mugore ra2001, masuweji aya achingodaro.

“Tinorumwa nehumhutu hunobva mutsvina iyi, manyoka atipfidzisa uye vana vanotamba mutsvina iyoyi. Hapana kana danho riri kutorwa nekanzuru yedu, zvino tave kutyira cholera,” vanodaro.

Mugero wemasuweji

VaArab Manyengedzo (60) vanoti zvakangofanana nekuti havana kanzuru nekuti hapana anouya kuzotaura navo, kunyangwe vakaendesa zvichemo zvavo kumahofisi eChitungwiza.

VaClanos Takawira (55) vanotiwo, “Mugero unofambisa tsvina uyu wakadzika mamita maviri, tinotyira kuti vana vachawiramo vakafa. Vamwe vana vanotambirawo mutsvina iyi uye cholera iriko iyi kutotinyara zvayo, kuchengetwa naMwari.”

Kwayedza haina kukwanisa kutaura nakanzura wenzvimbo iyi, wadhi 4, VaReginald Mashingaidze, pamwe nemutauriri wekanzuru yeChitungwiza VaLovemore Meya kusvika pakudhindwa kwenyaya ino.

Share This:

Sponsored Links