Chibhanzi nefine beans dzePrime Seed Co

08 Sep, 2017 - 00:09 0 Views
Chibhanzi nefine beans dzePrime Seed Co

Kwayedza

Aaron Chipatiso —
KURIMA fine beans dzePrime Seed Co kwapundutsa ruzhinji rwevarimi muZimbabwe.  KuPrime Seed Co tine mbesa dzezvirimwa zvakawanda kubva kune dzinonyatsoita muchando kusvika kune dzinoita munguva yekudziya.

Sezvo tave kupinda munguva yekudziya, ndinoda kutaura nezvechirimwa chinoita mumwaka uno.

Fine beans chirimwa chinorimwa nguva dzose munzvimbo dzisingarohwi nechando kana kuti kubva munaNyamavhuvhu kusvika muna Kurume munzvimbo dzinorova chando.

Kana mamiriro ekunze achidziya zviri pakati pe17-28C fine beans idzi dzinoita chaizvo dzichipa gohwo rakanakisa.

Fine beans ndiyo “nyama yemugadheni” sezvo ichipa chikafu chinovaka muviri senyama chinonzi icho protein.

KuPrime Seed Co tine mbeu dzefine beans dzakasiyana-siyana dzinosanganisira Volta, Adele neSalima.

Idzi imhando dzembeu dzepamusoro uye dzichipa gohwo rinonwisa mvura nekunaka kwaro.

Ndinoda kutaura ne- zvemhando yefine beans ine mukurumbira kwose kwayakarimwa inonzi Volta.

Fine beans dzakohwewa dzinotengwa nemari yepamusoro-soro muzvitoro, murimi otyorera mari yake muhomwe.

Volta:

Volta imhando yefine beans inodyiwa iri nyoro uye ndeye mhando yepamusoro inoshingingiri zvirwere zvakawanda.

Volta rinobereka zvakanyanyisa zvekuita murimi anogona kukohwa matani 14 pahekita roga-roga. Volta inotora mazuva anokwana 60 kusvika 70 kuti isvike pakukohwewa.

Adele:

Adele ifine beans inobereka vana vakareba zvekuita 14cm kusvikira 16cm. Inopawo gohwo riri pakati pematani 12 kusvika 14 pahekita.

Salima:

Salima ifine beans inobereka vana vakareba 14cm kusvikira 16cm.

Inokupawo gohwo riri pakati pematani 12 kusvika 14.

Marimirwo efine beans:

Fine beans dzinodyarwa kubva munaNyamavhuvhu kusvika kutanga kwaKurume. Dzinotora nguva inoita mazuva 60-80 dziri mumunda kubva panguva yekudyarwa kusvika pakukohwa.

Bhinzi idzi dzinoda kudziya kwekunze kuri pakati pe17-28 degrees celcius.

Ivhu rinokuridzirwa pakurima fine beans nderiya rinofamba mvura nemhepo zvakasununguka (well drained soil) uye richichengetedza mvura zvakafanira (good soil retention moisture). Ivhu racho rinofanira kuva nekakuvavirira nekakutapirira pH 5.5 kusvika 6.0.

Ndinokuridzira kuti ivhu riongorerwe naanamazvikokota vevhu kuitira kuti murimi azive kuvava kana kutapira kwevhu nguva ichiripo sezvo panogona kuonekwa dambudziko muvhu macho, wobva wagadzirisa mwaka usati watanga.

Pakudyara panodiwa fetireza yepasi Compound C inozvika 800-1000kgs pahekita, zvimwe chete muivhu rakareruka, 400-500kgs pahekita muivhu rakakora. Kana iri fetireza yepamusoro yeAN, shandisa 300kgs pahekita muvhu rakareruka inopatsanurwa mukudira kubva muvhiki rechitatu zvichienda mberi kusvikira nguva inotanga kubuda maruva.

Asiwo fertireza yepamusoro inoiswa iri shoma muvhu riya rinenge rakakora. Panodiwawo imwe mhando yefertiraiza yepamusoro inonzi Sulphate of Potash (S.O.P) iyo inoiswa nehuhwandu hwe75-100kgs pahekita yoga-yoga.

Huwandu hwechirimwa chefine beans hunokuridzirwa pahekita i300 000, zvichireva kuti mbeu inodikanwa kuburitsa huwandu uhu i65kgs kusvikira 100kgs.

Kana tichidyara mumunda fine beans dzedu, tinokuridzira kudzikisa mbeu zvinoita izvo 25mm muivhu rakadziridzirwa.

Bhinzi idzi dzinoparadzaniswa 50-100mm mumutsara uye 400-600mm kubva pane mumwe mutsetse kusvikira pane mumwe.

Rimirai bhinzi kumunda uri kunobva mhepo kana uchinge uchirima mbesa dzakasiyana-siyana mumunda kuitira kudzivirira twumbuyu twakaita senhata uye zvirwere zvakaita serust.

Mvura yekudiridza inodiwa inoita 300mm-500mm asi chakakosha kusadiridza zvishoma kana zvakanyanyisa nekuti zvinokonzera matambudziko akawanda pakurima bhinzi idzi sekudonha kwemaruva kana kubhenda kwebhinzi dzacho.

Murimi anokuridzirwa kutanga kukohwa fine beans dzake kana papera mazuva gumi nemana kubva mukuita maruva.

Ruzivo urwu rwunowanikwa kumadhumeni enyu ePrime Seed Co.

Pakurima fine beans murimi anofanira kugadzirira mishonga yekuuraya nhata netwunobhururuka twunonzi whitefly negonye rinonzi bean stem mag- got.

Kana uchinge watenga mbeu yako kuPrime Seed Co, zivisa murimisi wako wePrime Seed Co upakurirwe ruzivo zvizere maererano nemarimirwo echirimwa ichocho izvo zvinozokupa gohwo rakanakisa.

Iva murimi akarongeka anotenga mbeu yefine beans inobva kuPrime Seed Co.

Wana ruvizo kubva Kunyanzvi dzekuPrime Seed Co tivandudze upfumi hwenyika.

Mari iri muvhu. Mari iri mumbeu yePrime Seed Co. Kuti Prime Seed Co ndokuti mbeu!

Rambai muchitevera chinyorwa chino kuti mudzidze zvakawanda kubva kunanamazvikokota vePrime Seed Co.

— Aaron Chipatiso murimisi kuPrime Seed Co uye munomubata pa0732884759.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey