Uncategorized

Chidhoma chine sutu pachikoro

26 Jan, 2018 - 00:01 0 Views
Chidhoma chine sutu pachikoro Sadunhu Edmond Munyawiri

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
Yakava batai-batai pachikoro cheMutonda Primary School chiri kuDomboshava svondo rapera apo vamwe vana vanonzi vakaona chidhoma chakanyatsoti zete kugara mumuti wepachikoro ichi.

Chiri kunzi chidhoma ichi chaive chirume chipfupi-pfupi chakapfeka sutu nhema, shangu nhema, bhandi pamwe netayi zvegreen, shati chena chichivhetemesa maziziso egreen, kumeso kuine mazindebvu nemvere. Kwayedza yakaita hurukuro nemukuru wechikoro ichi akangoda kuzivikanwa saVaMupande uye akamboda kutsika-tsika asi ndokuzoitsinhira pave pashure.

“Hongu, pane nyaya iripo asi mungadai manobvunza kudistrict. Vana vari kudzidza semazuva ose asi ini ndakamirira kuti vacho vari kutaura nyaya iyi vauye pachavo vazonongedza kuti ndinhingi ari kuita izvi pane kuti vanhu vangotaura nyaya dzavo kumaraini,” vanodaro VaMupande.

Sadunhu wenzvimbo iyi, VaEdmond Munyawiri, vanoti nyaya yechidhoma iyi yakonzera kusagadzikana pachikoro ichi.

Sabhuku Stowell Chidamba

“Kutaura kudai vamwe vana havasi kuenda kuchikoro nekuda kwenyaya iyi. Ndinoona kuti zvine chekuita neSatanism nekuti vanhu vave kungopinda machechi ose-ose. Tiri kutarisira kuita musangano nevabereki nomusi weChina pamusoro penyaya iyoyi,” vanodaro VaMunyawiri.

Sadunhu Munyawiri vanoti mukuru wechikoro ichi mutsva, nokudaro anogona kunge ari kuitirwa daka kana shaisano nevamwe vabereki kana vashandi vepo avo vari kukonzeresa izvi.

“Pazuva raita nyonga-nyongairi, takaenda nakanzura nhengo dzeSchool Development Committee tikaunganidza vana nevamwe vabereki. Takabvunza vana kuti chii chavaiona, vamwe ndokudaidzira kuti ‘chidhoma’.

“Takati vaona chidhoma simudzai mawoko asi vana vatanhatu bedzi ndivo vakasimudza mawoko. Takabva tati vamwe vose vadzokere mumakirasi ndokusara nevainge vasimudza mawoko tichivabvunzurudza mumwe nemumwe asi vaitaura zvakafanana,” vanodaro Sadunhu Munyawiri.

Irene Savanhu

Vanoti vazhinji vevana ava vakati vakaona chidhoma chipfupi-pfupi chakapfeka sutu nhema, bhutsu nhema, bhandi netayi zvegreen uye chaive nemazindebvu. Sabhuku Stowell Chidamba (83) vanoti vane muzukuru anodzidza pachikoro ichi uyo akauya kumba achitaura nezvenyaya yechidhoma iyi.

“Ini ndakafunda pachikoro apa ndichiita Sub A, pakanga pasina mashiripiti akadai ekuti vana vanoona chidhoma masikati machena. Ndinoona mabasa eSatanism,” vanodaro.

Vamwe vabereki ndivo vanoti pachikoro apa vana vari kungodonha zvisinganzwisisike.

“Vana vari kungodonha vari kuchikoro uye pane miti yemimango nonzi vana vaidya dzichibuda ropa,” vanodaro VaCleopas Chihuri (32).

Susan Mutetwa

Irene Savanhu (56) anoti akaziviswa nevana vake vakange vaenda kuchikoro musi uyu kuti kwaonekwa chidhoma chakapfeka sutu nhema.

“Isu tangomirira musangano uchaitwa neChina kuti tinzwe zvizere nekuti zvinotyisa izvi,” anodaro.

Amai Susan Mtetwa vanoti vakambomisa vana vavo kuenda kuchikoro zvichitevera nyaya yechidhoma iyi.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey